Mika 3 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Muporofita Mika anotsoropodza vatungamiriri

1Ndakati:

“Teererai munzwe,

imi vatungamiriri vokwaJakobho

nemi vatongi vemba yokwaIsiraeri.

Harisi basa renyu here

kuziva ruenzaniso?

2Imi munovenga zvakanaka

muchida zvakaipa,

munovhiya vanhu vangu ganda

muchivamwaura nyama pamapfupa avo.

3Munodya vanhu vangu nyama,

muchivakwatura ganda imi.

Muchivatyora-tyora mapfupa

muchivajajada senyama mupoto,

senyama zvayo mumazibhodho.

4Ndopayeka pavanozochema kuna Tenzi

asi haavapinduri.

Ndipo paanotobva atovanza uso hwake

nokudawo kokuti

vakaita zviito zvakaipa.”

Vaporofita venhema vanoyambirwa

5Zvanzi naTenzi

kuna vaporofita vanotungamirira

vanhu vangu mutome,

munodaidzira kuti, “Kwakanaka,”

kana muchiwaniswa chokudya

asi kune vasingakuwanisi

chokuisa kumuromo

heyo hondo naye.

6Nezvo kwamuri,

zvokuona zviratidzo izvozvo,

huchava usiku zvahwo.

Muchava murima,

zvokushopera pasisina.

Vaporofita, zuva richavadokera,

zuva richasviba kwavari.

7Vaoni vachafumurwa,

vanoshopera vachanyadziswa.

Vachati kapu kubata muromo

nokuti mhinduro kuna Mwari

panenge pasisina.

8Asi ini ndakazara nesimba

ndizere naMweya waTenzi

uye ndakazara neruenzaniso nesimba

kuti nditaurire vokwaJakobho

kukanganisa kwavo,

nevekwaIsiraeri chitadzo chavo.

Vatongi vakaipa

9Chinzwai izvi,

imi vatungamiri vemba yokwaJakobho

nemi vatongi vemba yokwaIsiraeri.

Munovenga ruenzaniso,

uye zvose zvinenge zviri pamwero

muchizviminamisa.

10Munovaka Zioni neropa,

Jerusaremu iyoyi nezvakaipa.

11Vatungamiriri vayo

vanoda pfumbamuromo pakutonga.

Vapristi vacho, vanotoda muripo,

kuti vadzidzise.

Vaporofita vacho, vanoda mari

kuti vashopere,

uku vachivimba naTenzi vachiti,

“Handiti Tenzi ari pakati pedu here?

Hakuna chakaipa chichatiwira.”

12Naizvozvo pamusana penyu,

guta reZioni richarimwa somunda,

Jerusaremu ichava

murwi wamatongo,

chikomo cheTemberi chichava

chitunhu chemiti.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help