Nziyo 95 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Rumbo rwokurumbidza

1Uyai tiimbe tichirumbidza TENZI.

Ngatipururudzirei nomufaro

dombo ratinopona naro.

2Ngatiuyei paari tichimutenda

ngatimupururudzirei

tichimurumbidza nedzimbo.

3Nokuti TENZI ndiMwari mukuru,

uye ndiMambo mukuru

ari pamusoro pavanamwari vose.

4Pasi pakadzamisisa pari mumaoko ake,

kunyange nhungamakore dzamakomo ndedzake.

5Gungwa nderake nokuti ndiye akarisika

uye nyika yakaoma, nokuti maoko ake ndiwo akaiumba.

6Uyai tigwadame

tikotame

tichipfugamira TENZI musiki wedu

7nokuti ndiTENZI wedu

isu ndisu vanhu vaanofudza

uye tiri hwai dziri mumaoko ake.

Dai nhasi mukangoteererawo zvenyu

kuizwi rake.

8Musaomese mwoyo yenyu sokuMeribha

somusi uya kuMasa murenje,

9madzibaba enyu paakandiedza,

vakatsvaka kuona zvandiri,

kunyange vakanga vaona mabasa angu.

10Kwamakore makumi mana

ndakasema chizvarwa ichocho

ndikati, “Vanhu vakarasika ava,

vasina hanya nenzira dzangu.”

11Ndokusaka ndakapika nehasha

kuti havambofa vakasvika

kunzvimbo yangu yokuzorora.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help