Isaya 10 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1Zvichavawana vanotema

zvirevo zvisina kururama

vanyori vanoramba vachinyora

zvirevo zvebasa rechibharo

2kuti vatadzise vasina chavanacho

kuwana ruenzaniso,

vachipamba varombo muvanhu vangu

zvinhu zvavanofanira kuti vawane

uye kuti vapambe chirikadzi

nokutorera nherera

zvinhu zvadzo.

3Muchaita waani musi wokurangwa

nedutu remhepo richauya richibva kure kure

muchatizira kunaani

kwamungawane rubatsiro,

upfumi hwenyu muchahusiya kupi?

4Chenyu imi

kunenge kwangova kuti undundu

pakati pavasungwa kana kungoti

rakata pakati pezvitunha.

Nokuda kwaizvozvo

hasha dzake hadzina kupora,

muruoko rwake shamhu ichiri mudenga.

Asiria ichashandiswa naMwari kuranga Isiraeri

5Iwe Asiria,

shamhu yangu yokunge ndatsamwa,

tsvimbo yangu yokunge ndaviruka nehasha

6ndichakuti uvinge rudzi rwavanhu

vasisadi zvaMwari ava,

ndichakutuma kuvanhu

vandinoda kuranga

kuti undopamba nokuvatorera zvinhu

nokuvatsokodzera pasi

samavhu omumigwagwa.

7Asi izvozvi haasi kumbozvifunga,

mumwoyo make izvozvi hazvimo.

Chiri mupfungwa dzake kuparadza chete

nokutsakatisa ndudzi dzavanhu dzakawanda

8nokuti anototi,

“Inga vatungamiriri vangu vehondo vose

madzimambo wani.

9Guta reKarino harina kuitwa zvakaitwa

neKarishemeshi here?

Ko Hamati harina kuitwa zvakaitwa neAripadhi here?

Ko Samaria harina kuita zvakaitwa neDhamasikusi here?

10Sokutambanudzira ruoko rwangu

ndichiranga nyika nenyika

dzinonamata zvifananidzo,

dzine zvifananidzo zvakakura

kupinda zveJerusaremu neSamaria

11ndozvandichaita izvozvi kuJerusaremu

nezvifananidzo zvayo

sezvandakangoita kuSamaria

nezvifananidzo zvaro!”

12Pachapedza Tenzi basa rake rose paGomo reZioni napaJerusaremu, ndicharangira mambo weAsiria kuzvitutumadza nokuzvikudza kwaanoita nokudada kwaanoita achidhadhaira

13achiti,

“Ini noruoko rwangu

ndini pano ndakazviita ini

nesimba rangu,

ndakazviita ini noungwaru hwangu

nokuti ndinonzwisisa.

Miganhu yedzindudzi dzavanhu

ndakaibvisa ini,

ndikapamba upfumi hwavo.

Sehandira chaiyo,

vainge vari pazvigaro zvoumambo

ndakavatozomora ini.

14“Ndakawana upfumi hwendudzi dzavanhu

sezvinongoita ruoko runenge rwawana dendere

reshiri, uye sezvinongoita vanhu

kuunganidza mazai akaramwiwa,

ndokukukucha zvangu kwandakaita nyika.

Hapana akambosimudza bapiro

kana kushama muromo

kana kuti chwe-e.”

15“Iro demo ringadhadhairire here

munhu anoritemesa,

iro soo ringadadire here

anorichekesa wacho?

Sokunge mubhadha ungavheyese

anousimudza,

kana kuti tsvimbo ingasimudze

iye asiri chimuti!”

16Naizvozvo Tenzi

Tenzi wehondo nehondo

achatumira denda rokuperezeka muviri

mukati mehweswa chaidzo dzevarwi vake,

mukati momukurumbira wake muchapisa

sokupisa kunoita moto uri kubvira.

17Mwenje weIsiraeri uchaita somoto.

Anoera wake achaita serimi romoto,

uchapisa nokuroromesa

minzwa yake norukato

nezuva rimwechete.

18Masango ake ane mukurumbira

neminda yake inopa,

Tenzi achaparadza zvose

mweya nomuviri,

zvichiita somurwere aperezeka muviri.

19Miti yemasango ake

ichasara yava mishoma

zvokuti mwana muduku

angatogonawo kuiverenga.

Chitsama chevaIsiraeri chichadzoka

20Pazuva iroro chitsama chevaIsiraeri vanenge vasara nevemba yaJakobho vakapunyuka rufu vachange vasisazemberane norudzi rwakavarova asi vachazembera pana Tenzi Anoera waIsiraeri pachokwadi.

21Chitsama chichadzoka, chitsama chevokwaJakobho chichadzokera kuna Mwari Samasimbaose

22nokuti kunyange zvazvo vanhu venyu vaIsiraeri vakawanda sejecha rokumahombekombe kwegungwa, chitsama chavo chete ndicho chichadzoka. Zvokuparadza izvi zvakatotemwa zviri chinhu chizere noururami,

23nokuti Tenzi Mwari wehondo achanyatsopedza kuita zvaakatema mukati menyika yose.

Tenzi acharangawo vaAsiria

24Naizvozvo zvanzi naTenzi, Tenzi wehondo nehondo, “Imi vanhu vangu vagere muZioni musatye zvenyu vaAsiria pavanokurovai netsvimbo yavo vachikusimudzirai shamhu sezvakaita vaIjipiti,

25nokuti mushure mekanguva kadikidiki hasha dzangu dzichapera asi ini nehasha dzangu ndovapindukira kuvaparadza.

26Tenzi wehondo nehondo achavasumudzira shamhu yokuvarova somurovero waakaita Midhiani padombo rokuOrebhu, tsvimbo yake ichange yakatambanudzirwa pamusoro pegungwa achiisimudza sezvaakaita muIjipiti.

27Pazuva iroro mutoro wake uchabviswa pamapfudzi ako; joko rake richatyorwa rigobviswa pamutsipa penyu.”

Kurwiswa kwevaIsiraeri neAsiria

Asiria yakakwidza achibva kuRimoni,

28yakasvika kuAiati,

yakapfuura nokuMigironi

yakasiya yachengetesa nhumbi dzayo kuMikimashi.

29Yadimura napamupata wegomo

yakazorara yava kuGebha,

guta reRama radedera

vomuGibhia guta rokwaSauro vakatiza.

30Ridza mhere

iwe mukunda, guta reGarimu,

teerera unzwe

nhaiwe Raisha

umudaire iwe Anatoti.

31Madhimena ririkutiza

vagari vomuGebhimu votizira kundopotera.

32Iye nhasi uno wakare

Asiria ichandomira yava kuNobhu

ichazunza chibhakera chayo

ichikungira gomo romukunda weZioni,

chikomo cheJerusaremu chacho.

Umambo hune runyararo

33Chionai,

Tenzi Mwari wehondo nehondo

achavakwazhura semapazi

nesimba rinotyisa,

mazipazi marefurefu achatemerwa pasi

uye akati dzu-u mudenga

achiarizhira pasi pasi.

34Achatemera pasi nedemo

majokochwa amasango,

uye Rebhanoni ichaparara

pamwechete nemiti yayo mirefu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help