1 Nhoroondo 9 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Vanhu vakadzoka kuutapwa

1Saizvozvo Isiraeri yose yakanyorwa chizvarwa nechizvarwa izvozvo zvakanyorwa muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo eIsiraeri. VokwaJudha vakatapwa vakaendwa navo kuBhabhironi pamusana pokusatendeka kwavo.

2Vakazotanga kugarazve mavo nomumaguta avo vakanga vari vaIsiraeri vaiva vapristi navaRevhi novokushanda muTemberi.

3Vamwe vaiva vokwaJudha nevokwaBhenjamini nevokwaEfuremu nevokwaManase vakagara muJerusaremu.

4Ndi Utai mwanakomana waAmihudhi

mwana waOmuri aberekwa naImuri

mwana waBhani mwanakomana wokwaFeresi

mwanakomana waJudha.

5VokuShiro:

kwaiva naAsaya dangwe racho navana vake vakomana.

6Vanakomana vokwaZera:

paiva naJeueri

nehama dzavo vari mazana

matanhatu ana makumi mapfumbamwe.

7VokwaBhenjamini:

kunoti Sharu mwanakomana waMeshuramu mwana

waHodhavhiya mwanakomana waHasenua

8kwouya Ibhuneya mwanakomana waJerohamu

uyewo Era mwanakomana waUzi

mwana waMikiri kwoti Meshuramu mwanakomana waShefatiya

mwana waRueri

mwanakomana waIbhuniya.

9Pamwechete nehama dzavo chizvarwa

nechizvarwa vaiva mazana

mapfumbamwe ana makumi mashanu navatanhatu.

Vose ivava vaiva

vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo imba nemba.

Vapristi vaigara muJerusaremu

10Pavapristi:

paiti Jedhaya naJehoyaribhu naJakini

11kwouya Azariya mwanakomana waHirikiya

mwana waMeshuramu

mwanakomana waZadhoki

mwana mukomana waMerayoti

mwanakomana waAhitubhu

mukuru mukuru wapamba paMwari

12kwouyawo Adhaya

mwanakomana waJerohamu

mwana mukomana waPashihuri

mwanakomana waMarikiya

kwoti Maasai

mwanakomana waAdhieri

mwanakomana waJahizera

aberekwa naMeshuramu

mwana waMeshiremiti

mwanakomana waImeru.

13Hama dzavo vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo vaiva chiuru chimwechete namazana manomwe ana makumi matanhatu vari vanhu vainyatsoziva kwazvo basa romumba yaMwari.

VaRevhi vaigara muJerusaremu

14Kuna vaRevhi:

kwaiti Shemaya

mwanakomana waHashubhu

mwanakomana waAzirikamu

aberekwa naHashabhiya

wechizvarwa chokwaMerari

15kwouya Bhakibhakari naHereshi

naGararu naMataniya

mwanakomana waMika

mwanakomana waZikiri

mwanakomana waAsafu

16kwoti Obhadhiya

mwanakomana waShemaya

mwanakomana waGararu

mwana waJedhutuni

kwouyawo Bherekiya

mwanakomana waAsa

mwana mukomana waErikana

aigara mumisha yokwaNetofa.

Vachengetedzi vaichengetedza Temberi vaigara muJerusaremu

17Vachengetedzi vepamisuo mikuru:

ndiSharumu naAhubhu naTarimoni

naAhimani nehama dzavo, Sharumu ariye changamire wacho.

18Vaimbenge vari vokugaririra pasuo guru raMambo kumabvazuva. Ivava ndivo vaiva vachengetedzi vokumusuo kwepaigara vaRevhi.

19Sharumu mwanakomana waKore mwana waEbhiasafu mwanakomana waKora nehama dzake dzemba yababa vake yokwaKora ndivo vaiona nezvebasa repo nerokuchengetedza pokupinda napo mutendhe rinoera sezvaiitwa namadzibaba vakanga vaine basa rokuona nezvetendhe raTenzi.

20Finehasi mwanakomana waEreazari ndiye akanga ariye mutungamiriri wavo kareko, Tenzi ainaye.

21Zekariya mwanakomana waMesheremiya akanga ari muchengetedzi wokusuo guru rokunopinda napo mutendhe rokusanganira.

22Vose ivava vakasarudzwa kuti vave vachengetedzi vokumusuo kwaipindwa nako vaiva mazana maviri ane gumi navaviri. Vakanyorwa chizvarwa nechizvarwa mumisha yavo. Dhavhidhi nomuoni Samueri ndivo vakavagadza pabasa ravo irori.

23Naizvozvo ivo navanakomana vavo ndivo vaiona nezvepamisuo mikuru yemba yaTenzi zvichireva kuti imba iya, tendhe rinoera vari vagaririri.

24Vachengetedzi vokumusuo vaiva vari kumativi mana acho anoti kumabvazuva nokumadokero nokuchamhembe nokumaodzanyemba.

25Hama dzavo dzokumusha kwavo dzaipota dzichiravana kuuya nguva nenguva kwamazuva manomwe kuzombova navo pabasa.

26Chaivapo ndechokuti vachengetedzi vana vokumusuo vakanga vari vakuru vakuru vokwaRevhi vaiona nezvedzimba dzepo noupfumi hwepamba yaMwari.

27Vairara pamba yaTenzi nokuti ndivo vaiva nebasa rokuichengeta. Ndivo vaivawo nebasa rokuizarura mangwanani oga oga.

Vamwe vaRevhi

28Vamwe vavo ndivo vaichengeta midziyo yaishandiswamo nokuti vainzi vaiverenge payaitorwa nepayaidzoswa.

29Vamwewo vavo vakaiswa pakuona nezvemimwe midziyo yemo nemidziyo yose inoera uyewo nezvoupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa newaini namafuta eorivhi norusenzi netwokubikisa tunonhuwirira.

30Vamwewo vemba yavapristi vaiva nebasa rokusanganisa twokubikisa tunonhuwirira twacho.

31Matatiya dangwe raSharumu wokwaKora ndiye aiva wokuona nezvokubikwa kwechingwa chakati fatata,

32kwouyawo dzimwe hama dzavo dzokwaKohati ndidzo dzaiona nezvechingwa chokuisa pana Mwari nokubika chingwa cheSabata yoga yoga.

33Zvino paitiwo vaimbi ivava vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo dzokwaRevhi vachigara mudzimba dzepaTemberi vasina rimwe basa ravaiita nokuti basa ravo vairiita siku nesikati.

34Ivava vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo dzevaRevhi chizvarwa nechizvarwa vari vatungamiriri vaigara muJerusaremu.

MADZITATEGURU AMAMBO SAURO NEZVIZVARWA ZVAVO

35MuGibheoni maigara Jeieri baba waGibheoni. Zita romukadzi wake rainzi Maaka

36mwana wavo mukomana dangwe ndiAbhudhoni kwouya Zuru naKishi naBhaari naNeru naNadhabhu

37kwozouya Gedhori naAhio naZekariya naMikirodhi.

38Mikirodhi ndiye baba waShimeamu. Ivava vose vaigara pakatarisana nehama dzavo muJerusaremu pamwechete nehama dzacho.

39Neru ndiye baba waKishi, Kishi

ariwo baba waSauro, Sauro ariye

baba waJonatani naMarikishua naAbhinadhabhu naEshibhaari.

40Mwanakomana waJonatani:

ndiMeribhaari, Meribhaari ari baba waMika.

41Vanakomana vaMika:

ndiPitoni naMereki naTahirea naAhazi.

42Ahazi ndibaba waJara,

Jara ari baba waEremeti naAzimavheti naZimuri.

Zimuri ndiye baba waMoza.

43Moza ndiyewo baba waBhinea.

Mwanakomana waBhinea ndiRefaya

waRefaya ndiEreasa

waEreasa ndiAzeru.

44Azeru aiva navanakomana vatanhatu:

mazita avo ndeaya aya: kunoti

Azirakamu naBhokeru naIshimaeri naSheariya

naObhadhiya naHanani.

Ivava ava ndivo vana vaAzeri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help