1Saizvozvo Isiraeri yose yakanyorwa chizvarwa nechizvarwa izvozvo zvakanyorwa muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo eIsiraeri. VokwaJudha vakatapwa vakaendwa navo kuBhabhironi pamusana pokusatendeka kwavo.
2Vakazotanga kugarazve mavo nomumaguta avo vakanga vari vaIsiraeri vaiva vapristi navaRevhi novokushanda muTemberi.
3Vamwe vaiva vokwaJudha nevokwaBhenjamini nevokwaEfuremu nevokwaManase vakagara muJerusaremu.
4Ndi Utai mwanakomana waAmihudhi
mwana waOmuri aberekwa naImuri
mwana waBhani mwanakomana wokwaFeresi
mwanakomana waJudha.
5VokuShiro:
kwaiva naAsaya dangwe racho navana vake vakomana.
6Vanakomana vokwaZera:
paiva naJeueri
nehama dzavo vari mazana
matanhatu ana makumi mapfumbamwe.
7VokwaBhenjamini:
kunoti Sharu mwanakomana waMeshuramu mwana
waHodhavhiya mwanakomana waHasenua
8kwouya Ibhuneya mwanakomana waJerohamu
uyewo Era mwanakomana waUzi
mwana waMikiri kwoti Meshuramu mwanakomana waShefatiya
mwana waRueri
mwanakomana waIbhuniya.
9Pamwechete nehama dzavo chizvarwa
nechizvarwa vaiva mazana
mapfumbamwe ana makumi mashanu navatanhatu.
Vose ivava vaiva
vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo imba nemba.
Vapristi vaigara muJerusaremu10Pavapristi:
paiti Jedhaya naJehoyaribhu naJakini
11kwouya Azariya mwanakomana waHirikiya
mwana waMeshuramu
mwanakomana waZadhoki
mwana mukomana waMerayoti
mwanakomana waAhitubhu
mukuru mukuru wapamba paMwari
12kwouyawo Adhaya
mwanakomana waJerohamu
mwana mukomana waPashihuri
mwanakomana waMarikiya
kwoti Maasai
mwanakomana waAdhieri
mwanakomana waJahizera
aberekwa naMeshuramu
mwana waMeshiremiti
mwanakomana waImeru.
13Hama dzavo vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo vaiva chiuru chimwechete namazana manomwe ana makumi matanhatu vari vanhu vainyatsoziva kwazvo basa romumba yaMwari.
VaRevhi vaigara muJerusaremu14Kuna vaRevhi:
kwaiti Shemaya
mwanakomana waHashubhu
mwanakomana waAzirikamu
aberekwa naHashabhiya
wechizvarwa chokwaMerari
15kwouya Bhakibhakari naHereshi
naGararu naMataniya
mwanakomana waMika
mwanakomana waZikiri
mwanakomana waAsafu
16kwoti Obhadhiya
mwanakomana waShemaya
mwanakomana waGararu
mwana waJedhutuni
kwouyawo Bherekiya
mwanakomana waAsa
mwana mukomana waErikana
aigara mumisha yokwaNetofa.
Vachengetedzi vaichengetedza Temberi vaigara muJerusaremu17Vachengetedzi vepamisuo mikuru:
ndiSharumu naAhubhu naTarimoni
naAhimani nehama dzavo, Sharumu ariye changamire wacho.
18Vaimbenge vari vokugaririra pasuo guru raMambo kumabvazuva. Ivava ndivo vaiva vachengetedzi vokumusuo kwepaigara vaRevhi.
19Sharumu mwanakomana waKore mwana waEbhiasafu mwanakomana waKora nehama dzake dzemba yababa vake yokwaKora ndivo vaiona nezvebasa repo nerokuchengetedza pokupinda napo mutendhe rinoera sezvaiitwa namadzibaba vakanga vaine basa rokuona nezvetendhe raTenzi.
20Finehasi mwanakomana waEreazari ndiye akanga ariye mutungamiriri wavo kareko, Tenzi ainaye.
21Zekariya mwanakomana waMesheremiya akanga ari muchengetedzi wokusuo guru rokunopinda napo mutendhe rokusanganira.
22Vose ivava vakasarudzwa kuti vave vachengetedzi vokumusuo kwaipindwa nako vaiva mazana maviri ane gumi navaviri. Vakanyorwa chizvarwa nechizvarwa mumisha yavo. Dhavhidhi nomuoni Samueri ndivo vakavagadza pabasa ravo irori.
23Naizvozvo ivo navanakomana vavo ndivo vaiona nezvepamisuo mikuru yemba yaTenzi zvichireva kuti imba iya, tendhe rinoera vari vagaririri.
24Vachengetedzi vokumusuo vaiva vari kumativi mana acho anoti kumabvazuva nokumadokero nokuchamhembe nokumaodzanyemba.
25Hama dzavo dzokumusha kwavo dzaipota dzichiravana kuuya nguva nenguva kwamazuva manomwe kuzombova navo pabasa.
26Chaivapo ndechokuti vachengetedzi vana vokumusuo vakanga vari vakuru vakuru vokwaRevhi vaiona nezvedzimba dzepo noupfumi hwepamba yaMwari.
27Vairara pamba yaTenzi nokuti ndivo vaiva nebasa rokuichengeta. Ndivo vaivawo nebasa rokuizarura mangwanani oga oga.
Vamwe vaRevhi28Vamwe vavo ndivo vaichengeta midziyo yaishandiswamo nokuti vainzi vaiverenge payaitorwa nepayaidzoswa.
29Vamwewo vavo vakaiswa pakuona nezvemimwe midziyo yemo nemidziyo yose inoera uyewo nezvoupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa newaini namafuta eorivhi norusenzi netwokubikisa tunonhuwirira.
30Vamwewo vemba yavapristi vaiva nebasa rokusanganisa twokubikisa tunonhuwirira twacho.
31Matatiya dangwe raSharumu wokwaKora ndiye aiva wokuona nezvokubikwa kwechingwa chakati fatata,
32kwouyawo dzimwe hama dzavo dzokwaKohati ndidzo dzaiona nezvechingwa chokuisa pana Mwari nokubika chingwa cheSabata yoga yoga.
33Zvino paitiwo vaimbi ivava vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo dzokwaRevhi vachigara mudzimba dzepaTemberi vasina rimwe basa ravaiita nokuti basa ravo vairiita siku nesikati.
34Ivava vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo dzevaRevhi chizvarwa nechizvarwa vari vatungamiriri vaigara muJerusaremu.
MADZITATEGURU AMAMBO SAURO NEZVIZVARWA ZVAVO35MuGibheoni maigara Jeieri baba waGibheoni. Zita romukadzi wake rainzi Maaka
36mwana wavo mukomana dangwe ndiAbhudhoni kwouya Zuru naKishi naBhaari naNeru naNadhabhu
37kwozouya Gedhori naAhio naZekariya naMikirodhi.
38Mikirodhi ndiye baba waShimeamu. Ivava vose vaigara pakatarisana nehama dzavo muJerusaremu pamwechete nehama dzacho.
39Neru ndiye baba waKishi, Kishi
ariwo baba waSauro, Sauro ariye
baba waJonatani naMarikishua naAbhinadhabhu naEshibhaari.
40Mwanakomana waJonatani:
ndiMeribhaari, Meribhaari ari baba waMika.
41Vanakomana vaMika:
ndiPitoni naMereki naTahirea naAhazi.
42Ahazi ndibaba waJara,
Jara ari baba waEremeti naAzimavheti naZimuri.
Zimuri ndiye baba waMoza.
43Moza ndiyewo baba waBhinea.
Mwanakomana waBhinea ndiRefaya
waRefaya ndiEreasa
waEreasa ndiAzeru.
44Azeru aiva navanakomana vatanhatu:
mazita avo ndeaya aya: kunoti
Azirakamu naBhokeru naIshimaeri naSheariya
naObhadhiya naHanani.
Ivava ava ndivo vana vaAzeri.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.