Jeremiya 14 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Kuramba kwakaita mvura kunaya

1Izwi raTenzi rakauya kuna Jeremiya richitaura nezvemvura yakanga yaramba kunaya richiti,

2“Nyika yeJudha iri mukuchema nhamo

magutawo ayo ari kugurukuta,

vanhu vayo vachiungudza vakati pasi rakata

uye mhere yeJerusaremu yanzwika.

3“Vanhu vokumba huru

vanotuma varanda vavo kumvura.

Varanda vanosvika kumatsime,

asi havasi kuwana mvura.

Vanodzokera nezvirongo zvavo

mvura vasina vaora mwoyo

vasisazive chokuita vakabata rushaya.

4“Pamusana pokuti pasi pachiti papata

nokushayika kwaita mvura yokunaya panyika,

varimi vacho vadumbirwa nazvo vobata rushaya.

5“Kunyange nhunzvi yemhembwe musango

yototiza katsvana kayo kasvava

pamusana pokushaya uswa.

6Madhongi omusango amira

pamitunhu yakatunhumara pasina miti

achifemereka samakava

kuri kutsvaka mhepo yokufema,

maziso awo achionera madzerere

nokuti hakusisina bundo.

7“Kunyange zvazvo zvakaipa zvedu

zvichitipa mhosva,

wanaiwo chamungaite, imi Tenzi

nokuda kwezita renyu

nokuti umhandupandu hwedu hwanyanya

takakutadzirai isu.

8Nhaimi chitarisiro cheIsiraeri,

imi Mununuri wayo panguva yokutambura,

madireiko kubva maita

somutorwa chaiye munyika muno,

kubva matoita here somupfuuri nenzira

anoti tsaukirei pakadaro apo

omborarapo hake usiku ihwohwo?

9“Madirei kuita somunhu

atenderera musoro,

segamba chairo rehondo

risingagoni kununura?

Nyange zvakadaro zvazvo

imi Tenzi muri pakati pedu

uye tinodaidzwa nezita renyu,

regai henyu kutisiya.

10“Tenzi ari kutaura shoko rinonangana

navanhu ivava rokuti,

‘Kudzunga saizvozvi ndokwavanoda

havana kumbozvidzorawo mufambiro.

Ndokusaka Tenzi asingavagamuchiri,

zvazvino izvi acharangarira uipi hwavo

agovarangira zvitadzo zvavo.’ ”

11Tenzi akanditi, “Rega kunamatira vanhu ava kuti zvinhu zvivafambire zvakanaka

12nokuti kunyange zvavo vakatsanya handiteereri chichemo chavo. Kunyange vakapira zvavo mupiro wokupisa kana mupiro woupfu hwembesanwa handiigamuchiri. Changu chandichaita kuvapedza nehondo yebakatwa neshangwa yenzara nedenda.”

13Ini ndokuti, “Nhai Tenzi Mwari, inga wani vaporofita vari kuvaudza kuti hondo, yebakatwa hamusi kuzomboiona kana kuti kuzova neshangwa yenzara, asi kutoti ndichaita kuti muve norugare chairwo munzvimbo ino.”

14Tenzi ndokuti kwandiri, “Vaporofita vari kuporofita zvenhema muzita rangu. Handina kuvatuma ini kana kumbovaudza kana kutaura kwavari. Vari kukuitirai chiporofita chokuona zvenhema kushopera zvako kusina namaturo ese, unyengedzi zvahwo hwomusoro wavo.

15Nezvo zvanzi naTenzi nezvavaporofita ivavo vanoporofita muzita rangu ini ndisina kuvatuma vachitoti, ‘Hondo yebakatwa neshangwa yenzara hazvisi kuzouya munyika muno,’ vaporofita ivava vachaparadzwa nehondo yebakatwa nemvemve yenzara.

16Vanhuwo vavanoporofitira vacho vachanzi rakata mumigwagwa yeJerusaremu vova ndivo vokufa neshangwa yenzara nebakatwa rehondo pasina anovaviga, ivo navanakomana vavo navanasikana vavo nokuti ndichadurira pavanhu ivavo uipi hwavo.”

17Vataurire izvi zvokuti:

“Chiregai zvenyu meso

achiramba achiyerera misodzi

siku nesikati pasina zvokumbomira

ivo vanhu vangu ava,

vakuvadzwa ronda guru kwazvo,

varohwa zvinosiririsa kwazvo.

18“Ndikati ndiende musango'mu

hezvo zvitunha zvakarakatiswa

nebakatwa rehondo.

Kana ndikapinda muguta

heyo nhamo yeshangwa yenzara

nokuti muporofita nomupristi vose

vanobvonga nemunyika iyoyi mose

vasina ruzivo.”

Vanhu vanoteterera kuna Tenzi

19VokwaJudha matovaramba zvachose here?

Mwoyo wenyu wava kusema here

vanhu veguta reZioni?

Madirei kutipa shamhu yakadai isingarapike?

Taitarisira kuwana rugare

asi hapana chakanaka chakauya,

tichitarisira nguva yokuporeswa

asi zvinotyisa ndozvotoona.

20Tinoreurura uipi hwedu Tenzi,

nezvitadzo zvamadzibaba edu nokuti takakutadzirai.

21Pamusana pezita renyu,

chiregai henyu kutiramwa,

dai mukaregawo kufumura

mbiri yechigaro chenyu choumambo.

Dai waro mukarangarira henyu

murege kutyora chitenderano chenyu nesu.

22Kuna vanaani chaizvo pakati pavana mwari

vasina maturo vokumarudzi avanhu

angagone kunayisa mvura?

Kana iwo matenga zvawo

angagone nhai kunayisa mvura?

Handiti ndimi iyemi

Tenzi, Mwari wedu?

Chitarisiro chedu tinochiisa mamuri

nokuti ndimi munoita zvose izvozvi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help