Tsumo 12 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1Munhu anoda kudzidziswa

anoda ruzivo

asi asingadi kutsiurwa

imhuka yomunhu.

2Munhu wakanaka

anodiwa naTenzi

asi munhu wohujarijari

anomupa mhosva.

3Munhu haadziki midzi

pamusana pouipi

mudzi womururami

haitipurwi.

4Mukadzi akarurama

indaza kumurume wake

asi mukadzi anonyadzisa

akaita senhuta yamapfupa kumurume wake.

5Pfungwa dzavarurami dzakarurama

mazano avaipi ndookunyengedza.

6Mazwi avakaipa ndookuuraya

asi muromo womururami ndookununura.

7Vakaipi vakangoputsirwa pasi

zvinobva zvavaperera

asi musha womururami

unoramba wakamira.

8Munhu anorumbidzwa

pamusana pouchenjeri hwake

asi munhu ane pfungwa dzakaminama anoshorwa.

9Zviri nani kuva munhu

anoonekwa somunhuwo zvake

asi achizviriritira

pane munhu anozviita wapamusorosoro

asi chokudya asina.

10Akarurama ane hanya

noupenyu hwezvipfuo zvake

asi akaipa chaanoti tsiye nyoro utsinye.

11Munhu anorima munda wake

anowana chokudya chakawanda

asi munhu anotandana nezvisina maturo

kushaya musoro.

12Muipi anochochora

chinobatwa nemambure avaipi

asi mudzi womururami unoita muchero.

13Munhu akaipa anozviteya

nomuromo wake

asi akarurama anopunyuka nhamo.

14Munhu anogutiswa nezvakanaka,

uri muchero wezvinobva pamuromo pake

uye munhu achadzorerwa

zvaakaita namaoko ake.

15Maitiro ebenzi akanaka kwariri

asi munhu mungwaru

anoteerera mazano aanopiwa.

16Kushatirwa kwebenzi

kunobva kwaoneka pakarepo

asi munhu akangwara

haaite hanya nokushatiriswa.

17Munhu anotaura chokwadi

anoburitsa pachena zvakarurama

asi chapupu chenhema

chinoburitsa unyengedzi.

18Kune vamwe vanotaura

zvinobaya mwoyo sebakatwa

asi rurimi rwowakachenjera

runoporesa.

19Muromo unotaura chokwadi

hauwire pasi narini

asi zvemuromo wenhema

hazvina kwazvinosvika.

20Mumwoyo yavane bangano rakaipa,

mune unyengedzi

asi mune vanoronga zvakanaka mune rufaro.

21Hakuna chakaipa chinowira mururami

asi vaipi nhamo dzinovamomotera.

22Miromo inoreva nhema

haidiwe naTenzi

asi vanotendeseka mukuita kwavo

anofadzwa navo.

23Munhu akangwara anoviga ruzivo rwake

asi mapenzi anoparidzira upenzi hwavo.

24Munhu anogwinyisa maoko achatonga

asi anogara maoko achaendeswa kuchibharo.

25Kuzvidya mwoyo kunoonza

asi shoko rakanaka rinomunyevenutsa mwoyo.

26Munhu wakarurama

anoratidza mumwe wake nzira

asi nzira yavakaipa inovatungamirira mutome.

27Anogara maoko hapana nyama yaanobata

asi anogwinyisa maoko anowana upfumi hwakakosha.

28Munzira yoururami munoupenyu

munzira yomugwagwa iwoyo hamuna rufu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help