Ezekieri 25 - Shona Common Language Bible(SCLB)

II: CHIPOROFITA CHAKANANGANA NAMARUDZIChiporofita chakanangana nevaAmoni

1Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,

2“Mwanakomana womunhu chinangana nevaAmoni uporofite wakanangana navo.

3Iti kuvaAmoni, inzwai shoko raTenzi Mwari. Zvanzi naTenzi Mwari imi zvamakati tsvatu waro kuNzvimbo yangu Inoera payakan'oreswa uye kunyika yeIsiraeri payakaitwa renje zvaro uye nokumba yokwaJudha payakaenda kuutapwa

4naizvozvo ndava kukuisai mumaoko mavanhu vokumabvazuva kuti muve vanhu vavo. Vachaita mataga avo pakati penyu vachitoita misha yavo pakati penyu. Vachadya muchero wenyu vachinwa mukaka wenyu.

5Guta reRabha ndichariita mafuro engamera maguta avaAmoni achiva danga rezvipfuwo. Ndipo pamuchaziva kuti ini ndini Tenzi

6nokuti zvanzi naTenzi Mwari imi zvamakabva marova-rovanisa maoko muchitamba-tambisa makumbo muchifaririra kwazvo nomwoyo woutsinye wokuvenga nyika yeIsiraeri

7naizvozvo chinzwai, ini ndakusumudziraiwo shamu muruoko rwangu. Ndichakuisai mumaoko edzimwe ndudzi sezvinhu zvakapambwa. Ndichakutsakatisai pakati pamarudzi ndichiita kuti murove mudzinyika. Ndichakuparadzai; ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi.”

Chiporofita chakanangana neMoabhu

8Zvanzi naTenzi Mwari, “Pamusana pokuti Moabhu yakati, ‘Inga vanhu vokwaJudha vakangofanana ava navamamwe marudzi ose wani.’

9Naizvozvo ndichaita kuti rimwe divi reMoabhu rizaruke, divi rokumaguta okumuganho wayo, anopa mbiri kunyika iyoyo: anoti Bhetijeshimoti neBhaarimeoni neKiriatiaimu.

10Ndichaiisa pamwechete nevaAmoni mumaoko mavanhu vokumabvazuva kuti ive yavo kuitira kuti irege kuzomboyeukwazve mukati memarudzi avanhu.

11Ndichaita zvandatongera Moabhu ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi.”

Chiporofita chakanangana neEdhomu

12Zvanzi naTenzi Mwari, “Pamusana pokuti Edhomu yakatsividza imba yokwaJudha yakaita utsinye chaihwo payakanga ichivatsividza.

13Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari ndichasimudzira Edhomu shamhu muruoko rwangu ndichitsakatisa mairi munhu pamwechete nemhuka. Ndichaita kuti isare yava renje zvaro kubvira kwaTemani kusvikirawo kuDhedhani, vachafa nebakatwa.

14Ndichatsividza Edhomu ndichishandisa vanhu veIsiraeri. Ivo vanofanira kuzoita kuEdhomu zvinoenderana nehasha dzangu zvichiwirirana nokutsamwa kwangu. Ipapo vachaziva kutsividza kwangu.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

Chiporofita chakanangana nenyika yeFirisitia

15Zvanzi naTenzi Mwari, “VaFirisitia zvavakatsividza vachitsiva nomwoyo woutsinye hwokuparadza nedaka risingaperi,

16naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari chirega uone ndichasumudzira vaFirisitia shamhu muruoko rwangu ndichirakatisa vanhu veKireti ndichiparadza kumwe kwose kwemahombekombe egungwa.

17Ndichavatsividza zvakakura kwazvo nokuranga chaiko kune hasha. Ipapo ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi kana ndavatsividza kudaro.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help