Mabasa 28 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Pachitsuwa cheMorota

1Kuzoti tapona kudai takazoziva kuti chitsuwa ichocho chainzi Morota.

2Vagari vomo vakatibata zvakanakisisa kwazvo. Vakativesera moto vakatigamuchira tose nokuti kwakanga kwatangisa kunaya uye kwaitonhora.

3Pauro, paakanga aunganidza svinga rehuni akadziisa pamoto, pakabuda chiva pamusana pokupisa chikanamatira paruoko rwake.

4Vagari vomo pavakaona chipuka ichi, chakarembera paruoko rwake vakataurirana vachiti, “Zvechokwadi munhu uyu imhondi chaiyo. Nyange zvake apunyuka mugungwa. Nyakururama waramba kuti ararame.”

5Asi iye akazunzira chipuka chiya mumoto. Haana kukuvara.

6Vakamirira vachifunga kuti zvimwe achazvimba kana kungowira pasi achibva afa. Asi pavakamirira kwenguva yakareba pasina chakaipa chakaitika kwaari, vakasanduka vavakuti, “Ndimwari.”

7Padyo nenzvimbo iyoyo pakanga pane minda yomukuru mukuru wechitsuwa ichocho ainzi Pubhiriosi akatigamuchira akatichengeta zvakanaka kwamazuva matatu.

8Zvakaitika kuti baba vaPubhiriosi vakanga varere vachirwara, vachipisa muviri uye namanyoka okuburitsa ropa. Pauro akavashanyira akanamata achiisa maoko ake pavari akavaporesa.

9Izvi pazvakaitika vamwe vanhu vose vapachitsuwa icho vaiva nezvirwere vakauyawo vakaporeswa.

10Vakatiremekedza nenzira dzakawanda uye patakanga tava kuda kutangisa kuenda nechikepe vakatiisira muchikepe zvinhu zvokutiraramisa nazvo.

Rwendo rwokubva paMorota vachienda kuRoma

11Mushure memwedzi mitatu takatangisa kuenda nechikepe chakanga chapedzera nguva yechando chiri pachitsuwa ichocho. Chikepe ichocho chaiva chokuArekizandiria chaiva nechiga chinonzi Vamwarimapatya.

12Takasvika paSirakosi tikagarapo mazuva matatu,

13ndokutenderera tikazondosvika kuRegiumu. Mushure mezuva rimwechete kwakamuka mhepo yaibva kumaodzanyemba. Pazuva repiri racho takasvika kuPuteri.

14Ikoko takawana vehama tikakokwa kuti tigare navo kwamazuva manomwe. Ndiwo masvikiro atakaita kuRoma.

15Ikoko, vehama pavakanzwa nezvedu vakauya zvokutosvika kumusika weApia nokunzvimbo yainzi Hoteranhatu kuzotichingura. Pauro paakavaona akatenda Mwari akabva atsunga mwoyo.

Pauro muguta reRoma

16Patakasvika kuguta reRoma, Pauro akabvumirwa kugara oga nomusoja aimuchengetedza.

17Kuzoti kwapera mazuva matatu zvakaitika kuti Pauro akakoka vakuru vakuru vavaJudha. Pavakanga vaungana akati kwavari, “Varume hama, kunyange zvangu pasina chakaipa chandakaita kuvanhu kana kutsika dzamadzitateguru edu asi ndakasungwa kuJerusaremu ndikaiswa mumaoko avaRoma.

18Pavakandiongorora vakada kundisunungura nokuti ndakanga ndisina mhosva inokodzera rufu.

19VaJudha vakapokana nazvo zvikandimanikidza kukumbira kusvitsa nyaya iyi kuna Siza kunyange ndakanga ndisina mhosva yokukwirira rudzi rwangu.

20Ndicho chikonzero chaita kuti ndikumbire kukuonai uye kuti nditaure nemi pamusana pokuti ndakasungwa necheni idzi nokuda kwechitarisiro cheIsiraeri.”

21Vakati kwaari, “Hapana tsamba dzatakagamuchira dzichibva kuJudhea nezvako. Hapanawo mumwe wehama akauya kuno akatipirawo kana kutaura zvakaipa nezvako.

22Asi isu tinoda kunzwa kwauri zvaunofunga nokuti zvekabato aka, tinoziva kuti kose kose vanhu vanotaura zvakaipa nezvako.”

23Vakaronga zuva rokusangana naye, vakazouya paaigara vakawanda kwazvo iye akavarondedzera nyaya iyoyi kubva mangwanani kusvikira mauro achipa uchapupu kuhumambo hwaMwari achiedza kuti vabvume nezvaJesu sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waMosesi navaporofita.

24Vamwe vakabvuma zvaaitaura vamwewo vakaramba kubvuma.

25Naizvozvo vakapesana pachavo. Vakazobvapo Pauro ataura muromo mumwechete unoti: “Mweya Mutsvene akataura zvazviri chaizvo paakataura kumadzibaba enyu nomuromo Isaya muporofita

26achiti,

“ ‘Enda kuvanhu ava undoti

kuteerera nyatsoteererai zvenyu

asi kunzwisisa pasina zvamunonzwisisa

kutarisisa nyatsotarisisai zvenyu

asi kuona pasina kuona chaiko.

27Nokuti mwoyo yavanhu ava indambakurairwa,

nzeve dzavo kunzwa hadzichanzwi;

maziso avo vakazarira

kuti zvimwe vangadaro vakaona namaziso avo

vachinzwa nenzeve dzavo uye

vakanzwisisa nemwoyo yavo

vakapindukira kwandiri

ini ndikavaponesa.’

28“Naizvozvo chizvizivai kuti ruponeso urwu rwaMwari rwakatotumirwa kune vechirudzi. Vachateerera.”

30Pauro akagarako makore maviri ose achizvibhadharira. Ainyatsogamuchira vose vaiuya kwaari

31achiparidza umambo hwaMwari achidzidzisa zvaTenzi Jesu Kristu zviri pachena asina anomudzivisa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help