Firimoni Zviri mutsamba yaFirimoni - Shona Common Language Bible(SCLB)

Zviri mutsamba yaFirimoni Tsamba yaFirimoni itsamba yakanyorerwa munhu mumwechete ainzi Firimoni. Firimoni anofanira kunge akanga ari munhu mukuru musangano raaiva. Aitova munhu ano muranda wake ainzi Onesimo. Firimoni akatadzirwa kwazvo naOnesimo. Akatizwa nomuranda wake Onesimo. Pakatiza Onesimo, zvichida akabira Firimoni zvinhu kana mari. Pauro ari kuti Onesimo ari kuno kuRoma; ava muKristu wandakaombeka. Nokudaro ava mwana wangu sewe, Firimoni. Saka ava munun'una wako kwete muranda. Ndava kumudzorera kwauri. Mugamuchire sokugamuchira kwaungaite ini muyanane uye kana ane chikwereti kana kuti ngava newe, ini Pauro, ndini ndinoripa zvangu asi iwe chimugamuchira zvakanaka mumhuri mako.Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yaFirimoniKusuma (1:1–3)Rudo nechitendero chaFirimoni (1:4–7)Pauro anokumbirira Onesimo (1:8–22)Chikomborero nekwaziso yokupedzisa (1:23–25)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help