1Mwari makafadzwa nenyika yenyu,
makadzorera vokwaJakobho zvavakangavari.
2Makaregerera vanhu venyu uipi hwavo
mukavakanganwira zvivi zvavo zvose.
Dzepfunde
3Makazvipodza kuhasha dzenyu dzose
mukazvidzora pakushatirwa kwenyu kwakanyanya.
4Tiiteiwo zvatanga takaita kare,
Mwari mununuri wedu
chiregai kuva nehasha nesu.
5Mucharamba makatishatirirwa narini here?
Mucharebesa hasha dzenyu
kuzvizvarwa zvose here?
6Hamuchatimutsiridzazve here
kuti vanhu venyu vafare nemi?
7Tiitireiwo mwoyochena, TENZI
mutiponesewo.
8Ndichanzwa zvichataurwa naTENZI Mwari
nokuti achataura zvorugare kuvanhu vake,
kuna vatsvene vake.
Dai vakangorega zvavo
kupindukira kuupenzi.
9Hongu ruponeso rwake
rwuri padyo kuna vanomutya;
mbiri yokuvapo kwake
ichagara munyika medu.
10Mwoyochena nokutendeka zvichasangana,
ururami norugare zvichambundirana.
11Kutendeka kuchakura kuchibva pasi;
ururami huchatarisa pasi huri kudenga.
12TENZI achapawo zvakanaka;
nyika yedu ichaberekawo zvakawanda.
13Ururami huchatungamira pamberi pake
huchimugadzirira paanozofamba napo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.