1TENZI ndimi manga muri musha wedu
pazvizvarwa zvose.
2Makomo asati aberekwa
musati masika nyika napasi pose.
Muri Mwari narini narini, chingo nechingo.
3Munopindura munhu kuva huruva
munongoti vanhu,
“Dzokerai kune zvamakanga muri.”
4Nokuti churu chamakore kwamuri
chakangoita sazuro kana chapfuura
kana sakanguvana kokugaririra usiku.
5Munotsvaira vanhu,
vakaita sechiroto,
vakaita souswa hunosvibirira mangwanani.
6Kumangwanani hunomuka hwakasvibirira
kumanheru hunouna hwosvava.
7Nokuti hasha dzenyu dzinotiparadza.
Tinobva taparara nokutya kushatirwa kwenyu.
8Munoisa uipi hwedu pamberi penyu
uye zvitadzo zvedu zvapachivande
munozviisa pachena pauso hwenyu.
9Mazuva edu ose anopfuura
imi makashatirwa;
makore edu anopera sefemo.
10Makore oupenyu hwedu
makumi manomwe
kune vakasimba vanoita makumi masere
asi akanaka acho
inongova nhamo namatambudziko,
haatani kupera,
isuwo tobva tobhururuka toenda.
11Ndiani anoziva panosvika hasha dzenyu.
Hasha dzenyu dzakangoenzana
nokutyisa kwenyu
12saka tidzidziseiwo kuverenga mazuva edu
kuti tingwarire.
13Muchasvika kupiko nhai TENZI?
Dzokai zvenyu
muitire varanda venyu ngoni.
14Tiratidzeiwo mwoyochena wenyu mangwanani
kuti tipembere kufara uye tifare mazuva edu ose.
15Tipeiwo kufara kwamazuva
akaenzana namazuva amakatirwadzisa
uye kwamakore atakaona nhamo.
16Ratidzai mabasa enyu kuvaranda venyu
uye mbiri yenyu kuvana vavo.
17Nyasha dzatenzi Mwari wedu ngadzive patiri.
Basa ramaoko edu muite kuti ribudirire.
Hongu ngaribudirire basa ramaoko edu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.