1 Samueri Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Bible(SCLB)
Zviri mubhuku rino Bhuku raSamueri nderimwe ramabhuku enhoroondo yavaIsiraeri. Vanhu vakuru vakuru vanotaurwa nezvavo imomo ndiSamueri muporofita naSauro naDhavhidhi madzimambo. Samueri ndiye akava mutongi wokupedzisira kwava kuuya madzimambo. Mwari akasarudza Sauro kuva mambo wokutanga weIsiraeri. Akazotorerwa nzvimbo naDhavhidhi.Nyange bhuku iri riri renhoroondo zvarinodzidzisa zvinoti: zvakanaka kuva munhu akatendeka uye anovimbika pana Mwari; kusateerera Mwari kunounza nyatwa chaidzo. (1 Sam 2:30) Rinotidzidzisawo nezvebasa guru ravaporofita nokukosha nokuera kwakaita upristi kuna Mwari asi zvikuru rinoratidza kuti mambo ari pasi paMwari. Uye Mwari ndiye anoramba ari mambo wavanhu vake vaIsiraeri.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku rokutanga raSamueriSamueri somutongi weIsiraeri (1:1—7:17)Sauro anogadzwa umambo (8:1—10:27)Makore okutanga kutonga kwaSauro (11:1—15:35)Sauro naDhavhidhi (16:1—30:31)Rufu rwaSauro navana vake (31:1–13)