Varoma 3 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Kutendeka kwaMwari

1Ko muJudha chaanokunda vamwe nacho chii? Ko kudzingiswa kunobatsirei?

2Zvakatowanda uye nenzira dzakasiyana–siyana. Pokutanga, vaJudha vakachengeteswa zvirevo zvaMwari.

3Ko ngatitii vamwe vavo vakanga vasina kutendeka? Kusatendeka kwavo kunoshaisha basa kutendeka kwaMwari here?

4Kwete, hazvidaro, Mwari anofanira kuva pachokwadi kunyange vanhu vose vakave venhema, sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi,

“Kana motaura, zvinobuda pachena kuti ndicho chokwadi

kana mukapinzwa dare munobuda musina mhosva.”

5Ko zvino kana uipi huchiratidza ururami hwaMwari, zvino toti kudini? Tingati Mwari akaipa here kana otiranga (ndiri kutaura somunhu?)

6Kwete, handizvo, nokuti pakadaro Mwari aizotonga pasi sei?

7Ko zvino kana nhema dzangu dzichiita kuti chokwadi chaMwari chinyatsobuda pachena, zvichiita kuti Mwari arumbidzwe, chandinopirwa mhosva yokuti ndiri mutadzi chii?

8Vanoti tinoti, “Kana zvakadaro ndingaregerei kuita zvakaipa kuti zvakanaka zvibude mazviri,” sokurasa muromo kunoita vamwe vanhu vachitishora. Kupa vanhu vakadai mhosva kwakarurama.

Munhu wose ane mhosva

9Ko zvino isu vaJudha tiri nani here ipapa? Kwete, napaduku pose. Inga wani tamboti vanhu vose, vaJudha navaGiriki, vari pasi pesimba rechitadzo.

10Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi:

“Hakuna akarurama kana mumwechete zvake.

11Hakuna anonzwisisa

hakuna anotsvaka Mwari.

12Vose vakatsauka,

vose zvavo pamwechete vakashata.

Hapana anoita zvakanaka

kana nomumwechete zvake.

13Gurokuro ravo iguva rakashama,

vanoshandisa rurimi rwavo kunyengedza.

Mukanwa mavo mune uturu hwenyoka.

14Miromo yavo izere nokutuka nokuvava.

15Tsoka dzavo dzinomhanyirira kudeura ropa.

16Mavanopfuura namo munosara ava matongo nejemedzanwa.

17Mugariro worugare havauzivi.

18Mwari havambomuona kuti chii.”

19Zvino tinoziva kuti chose chinotaurwa nomutemo chinonanga avo vari pasi pomutemo iwoyo kuti pasave naanombopati bufu kuti pasi pabvume muteto pana Mwari

20nokuti hapana munhu anoruramiswa pamberi pake nezvisungo zvomutemo pamusana pokuti mutemo, chawo kuzivisa vanhu zvechitadzo.

B: CHITENDERO NOKUTONGA KWAMWARIMwari anowadzanisa vanhu sei naye

21Zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa pachena zvisinei nomutemo kunyange zvazvo mutemo navaporofita zvichiupupurira.

22Kururama ikoko kwaMwari kunoitika nechitendero muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda pasina zvorusaruro

23nokuti munhu wose akatadza akakundika kusvika panodiwa naMwari kuti aponeswe.

24Vanoruramiswa nenyasha dzake sechipo nokununura kunowanikwa muna Kristu Jesu.

25Mwari akaronga kuti neropa rake ave ndiye wokuripira naye zvitadzo zvichiitika pamusana pechitendero. Izvi zvakaitirwa kuti kururama kwaMwari kuratidzwe pachena nokuti pamusana pemwoyo murefu wake zvitadzo zvakare akazviti zvingopfuura zvazvo

26kuti aratidze iye zvino kuti iye akarurama uye kuti anoruramisa munhu anotenda muna Jesu.

27Pakadaro kuzvikudza kwedu kunozova papi? Kunobva kwashaya maturo. Kunoshaiswa maturo nei? Nezvisungo namabasa here? Kwete asi pamusana pechitendero.

28Chikonzero chacho ndechokuti tinoti munhu anoruramiswa nechitendero zvisinei nezvisungo zvinobva mumutemo.

29Kana kuti tingati Mwari ndiMwari wavaJudha voga here? Haasi Mwariwo wevechirudzi here? Hongu ndiMwariwo wevechirudzi,

30Mwari zvaari mumwechete; uye anoruramisa nechitendero chavo vakadzingiswa, anoruramisawo nechitendero chavo, avo vasina kudzingiswa.

31Zvinoreva here kuti naizvozvo tava kuparadza mutemo nokuda kwechitendero. Hazvidaro kwete, asi kuti tiri kutosimudzira mutemo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help