Nziyo 9 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Muimbisi, Rumbo urwu rwunoimbwa sezvinoitwa rweMutirabheni. Rumbo rwaDhavhidhi.Kutenda Mwari ruenzaniso rwake

1Ndinotenda TENZI nomwoyo wangu wose.

Ndichaparidza mabasa enyu anoshamisa;

2ndichafara nokupembera mamuri.

Ndicharumbidza zita renyu imi Wokumusorosoro.

3Kana mhandu dzangu dzopishinuka kudzoka,

dzinodzadzarika dzoparara, mberi kwenyu.

4Nokuti makandirwira

pane zvandinokodzera nezvandinochemera,

makagara pachigaro chenyu chokutonga

muchitonga zvakarurama.

5Makapa vechirudzi mhosva

mukaparadza vakaipa,

makadzimawo zita ravo narini narini.

6Vavengi vakatsvairwa;

vava matongo nokusingaperi.

Maguta avo angove matongo

zvokurangarirwa havachamborangarirwa.

7TENZI anogara pachigaro chake

chokutonga nokusingaperi,

akadzika chigaro chake choumambo

kuti atonge.

8Uye, anotonga pasi pose zvakarurama

anotongawo marudzi avanhu pachokwadi.

9TENZI ndiye nzvimbo yokupotera

yavanhu vanodzvinyirirwa

ndiye nzvimbo yokupotera

panguva yenhamo.

10Vanoziva zita renyu

vanovimba nemi

nokuti imi TENZI hamufuratiri

vanokutsvakai.

11Pururudzirai TENZI

anogara muZioni.

Paridzirai vanhu zviito zvake.

12Nokuti, iye, anotsividza ropa radeurwa,

anovayeuka.

Haakanganwi kuchema kwavari munhamo.

13Ndinzwireiwo tsitsi TENZI.

Tarisai muone zvandinotambudzwa

nazvo navanondivenga.

Imi munonditakanura pamuromo worufu

14kuti ndiparidze mbiri yenyu

uye kuti pamisuo yomukunda, guta reZioni,

ndifarire ruponeso rwenyu.

15Marudzi akawira mugomba

ravakazvicherera

vakabatwa gumbo mumambure avakaviga ivo pachavo.

16TENZI anozviratidza agotonga,

vakaipa vachiteiwa nezvavanoita namaoko avo.

Moimbira pasi, Dzepfunde

17Vakaipa vachadzokera kunzvimbo yavakafa.

Marudzi ose anokanganwa Mwari.

18Varombo havachakanganwiki nokusingaperi;

chitarisiro chavatamburi hachiparari zvachose.

19Simukai TENZI, musakundwe nomunhu;

vechirudzi ngavatongwe pamberi penyu.

20Vatyisei TENZI,

marudzi azive kuti vanongova vanhu.

Dzepfunde.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help