Nziyo 24 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Rwiyo rwaDhavhidhi.Kupinda kwaMwari Mambo muTemberi

1Nyika ndeyaTENZI nazvose zviri mairi,

pasi pose zvapo navanhu vanogarapo ndezvake

2nokuti akaidzika mumakungwa,

akaimisa panzizi.

3Ndiani angakwire mugomo raTENZI?

Ndiani angamire munzvimbo yake inoera?

4Munhu ana maoko akachena nomwoyo wakachena.

Munhu asina kupika neni nhando

kana kupika nhema.

5Achawana chikomborero chinobva kuna TENZI

achanzi munhu akarurama naMwari mununuri wake.

6Ndizvo zvakaita chizvarwa chinomutsvaka

chinotsvaka uso hwaMwari waJakobho.

Dzepfunde.

7Imi misuo mikuru, pamusoro penyu ngapasimuke

mureberere kumusoro imi misuo yechinyakare

kuitira kuti mambo wembiri apinde.

8Ndiani Mambo wembiri?

NdiTENZI ane simba nougamba.

TENZI gamba romuhondo.

9Imi misuo mikuru pamusoro penyu ngapasimuke

mureberere pamusoro imi misuo yechinyakare

kuitira kuti Mambo wembiri apinde.

10Ndiani iyeyo mambo wembiri?

TENZI wehondo nehondo

ndiye Mambo wembiri.

Dzepfunde.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help