Rwiyo 2 - Shona Common Language Bible(SCLB)

MWENGA

1Ini ndiri ruva romurosi wekuSharoni

ruva reriri zvaro romumapani.

CHIKOMBA

2Seruva reriri mukati merukato

ndizvo zvakaita chido chemwoyo wangu

pakati pevasikana.

MWENGA

3Somuti wemuapuru mukati mesango,

ndozvakaita mudiwa wangu

mukati memajaya.

Muti wandakagara mumumvuri wawo norufaro

une michero yawo inondinakira.

4Akaenda neni kumabiko ewaini.

Rudo ndorwaiva pamusoro, somureza.

5Dai ukangondidzorawo mwoyo

nemichero yemagirepisi akaomeswa

undimutse mwoyo nemaapuru

nokuti ini ndashaya pokuisa mwoyo ini norudo!

6Dai ruoko rwake rweruboshe

ruri pasi pemusoro wangu

rudyi rwake rwakandigumbatira.

7Ndinokukomeresai imi vanasikana veJerusaremu

mupike nemhara nemhene dzesango

kuti hamutirimutsi kana kumutsa

havi dzorudo nguva yacho isati yasvika.

RWIYO RWECHIPIRIMWENGA

8Ndiri kunzwa mutsindo womudiwa wangu,

hoyo wouya,

achiuruka mumakomo.

9Achisvetuka zvikomo

mudiwa wangu akaita semhara

kana kuti setsvana yemhene.

Hoyo wamira zvino seri kwemadziro edu

achidongorera napawindo

achitarisa nepawaya yesefa.

10Mudiwa wangu hoyo wotaura

achinditi: “Simuka chido chemwoyo wangu

iwe tsvarakadenga yangu uuye.”

CHIKOMBA

11Nguva yechando yapfuura

mvura yokunaya yapera, uye yaenda.

12Maruva abuda panyika

nguva yokuimba yasvika

kurira kwenjiva kwava kunzwika

munyika medu.

13Muonde wavakubereka maonde,

migirepisi yava namaruva

ari kunhuwirira.

Simuka chido chemwoyo wangu

uya zvako tsvarakadenga yangu.

14Iwe njiva yangu

iri mumikaha yamabwe

nemakavandika muzvikomo.

Rega ndione zvangu uso hwako,

ndinzwe hangu izwi rako

nokuti izwi rako rakanakisa

uye uso hwako hunoyevedza.

SHAMWARI

15Tibatirei makava,

tukava tudiki

turi kukanganisa minda yedu yamagirepisi,

nokuti minda yedu yamagirepisi yava namaruva.

MWENGA

16Mudiwa wangu ndewangu,

ini ndiri wake,

anofudzira zvipfuwo zvake

mukati memaruva amariri.

17Kusvikira rungwanani kwofefetera;

rima roenda

udzoke mudiwa wangu,

uite semhara

pamakomo eBheta.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help