Jobhu 30 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Nhamo yaJobhu pari zvino.Kusaremekedzwa navasina maturo

1“Asi iye zvino vakandiita chiseko zvacho

vanhu vadiki kwandiri,

vana madzibaba vandaishora

zvokuti handaikwanisa

kuvaisa nembwa dzangu

dzokuchengetedza zvipfuwo zvangu.

2Simba ramaoko avo rinondibatsirei,

vanhu vakapera zvavo simba

3vakaonda nokushaiwa uye nenzara

vanototetena midzi yakaoma

yenyika ine nyota murima,

munyika yakaoma yerenje

4vaitanha makwenzi anovava

vachirarama nemidzi yomutsvairo.

5Vakadzingwa mukati mavanhu

vachisveveredzwa sembavha

6vachigara mumakoronga amapani

nomumaguru, nomumapako

7unotovanzwa vachikuma mumatondo

vachingourungana mukati meminzwa

8matununu chaiwo, vanhu vasina rudzi

vakadzingwa munyika.

Vanhu munyika vanondivenga

9“Asi iye zvino ini ndava rumbo chairwo kwavari

uye setsumo chaiyo kwavari.

10Vanondisema, vachimirira vakataramukana neni

vasingasumbe kundisvipira mate kumeso.

11Nokuti Mwari akatupfunura rukungiso

rwouta hwangu akandininipisa,

pandiri kuzvibata vanobva vasiyana nako.

12Kurudyi kwangu chikwata chamadzenga

chinosimuka chondidzinganisa

vachindirongera nzira dzokuparadza nadzo.

13Vanodzivirira kwokuti nditize nako

vanotowedzera njodzi yangu pamusoro peimwe,

wokuvamisa hapana.

14Vanopinda vachiita sevanopinda

napakapazika zvikuru

vanouya vari mukati mehungwandangwanda.

15Kutya kwandibata

chiremera changu chinopupurutswa

sokupupurutswa nemhepo

hunhu hwangu hwapfuura segore.

Utsinye hwaMwari kwandiri

16“Upenyu hwangu hwava kukwenguka,

mazuva enhamo andiwira.

17Usiku chirwere chinondin'ura mapfupa

kurwadza kunondin'ura hakuzorore

18ndinobatwa hembe pahuro zveganyabvu.

Hembe dzangu dzaunyanidzwa.

19Mwari andikanda mumatope,

ndangova zvangu sehuruva nedota.

20Ndinochema kwamuri asi hamupinduri

ndinosimuka asi munongonditarisa zvenyu.

21Masanduka, mave noutsinye kwandiri

munondirwadzisa noruoko rwoune simba

22munondibvuta mondiisa mumhepo

dutu richindiita suku nasai kwose kwose.

23Ndinoziva zvangu kuti muri

kundiendesa kurufu

kunzvimbo yakatemerwa vapenyu vose.”

Nhamo dzangu

24“Asi munhu anenge ari mukati

memurwi wehungwandangwanda

hwemba yakoromoka, haasimudzi

ruoko here munhamo yake achitsvaka rubatsiro?

25Handina here kuchema

navainge vaomerwa zuvaro,

handina here kuchema navarombo?

26Ndaitarisira zvakanaka

ndopakauya zvakaipa.

Ndaimirira chiedza

asi rima ndiro rakauya.

27Mudumbu mangu munomona musinganyarari,

ndasangana namazuva enhamo.

28Ndinofamba ndiri mukuchema

kwete mukufara

chandinosimukira pana vanhu

kukumbira rubatsiro.

29Ndave shamwari yamakava

nehama yemhou.

30Ganda rangu rasviba ravakukwatanuka

mapfupa angu anotsva nokupisa.

31Chipendani changu chava nziyo dzokuchema

nyere yangu yava yokutsinhira vanochema.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help