Tsumo 16 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1Munhu anogona kuronga

zvinhu mumwoyo make

asi zvaanozotaura norurimi rwake

zvinenge zvatobvumidzwa naTenzi.

2Zviito zvomunhu zvingatarisike

sezvakanaka kumuridzi wazvo

asi Tenzi anoyera zvinangwa zvomunhu.

3Turira basa rako kuna Tenzi

zvirongwa zvako zvinobudirira.

4Tenzi anebasa raakasikira chimwe nechimwe

kunyange vakaipa vane

zuva ravo repfumvu.

5Munhu wose anozvitutumadza,

Tenzi anomusema

kurangwa haambofa akapotsana nako.

6Mwoyo wakanaka nokutendeseka

zvinopfupira zvitadzo

kutya Tenzi kunoita kuti

munhu anzvenge uipi.

7Kana Tenzi afadzwa noupenyu hwomunhu

anosandura vavengi vake

achivaita shamwari dzake.

8Zviri nani kuva nezvishoma

munhu ari mururami

pane kuva nezvakawanda

asi pasina ruenzaniso.

9Munhu anogona kuzvirongera

zvaanoda kuita

asi Tenzi ndiye

anototungamirira kufamba kwake.

10Mambo anotaura seane

kamuti mukanwa,

kana wotonga haapotsi.

11Zviero nezvikero zvakarurama ndezvaTenzi

kunyange zvokueresa zviri mutsapo ndezvake.

12Kuita zvakaipa kunosemesa

kumadzimambo

nokuti umambo hunotsigirwa noururami.

13Muromo unotaura zvakarurama

unofadza mambo

uye anoda munhu anotaura zvakarurama.

14Hasha dzamambo

iyambiro yorufu,

munhu akangwara

anoedza kudzipodza.

15Kufaranuka uso kwamambo

kunoreva upenyu

kufarirwa namambo

kwakaita samakore anounza mvura yomunhuruka.

16Kuwana ungwaru,

kuri nani pano kuwana ndarama,

kuva nokunzwisisa

ndiko kunofanira kusarudzwa

pane kusarudza sirivha.

17Mugwagwa mukuru wavarurami

unotsaukana nouipi.

Munhu anotarisa paanotsika

anozvichengetedza upenyu.

18Kuzvikudza kunoteverwa nokuparadzwa

uye kuviruka nehasha

kunoteverwa nokukoromoka.

19Zviri nani kuva nomwoyo wokuzvirereka

pamwechete navarombo

pano kugoverana zvokupamba

pamwechete navanozvikudza.

20Munhu anoteerera shoko anobudirira

akakomborerwa anovimba naTenzi.

21Munhu akangwara anonzi munhu

anoona zvinhu nemazvo,

kutaura zvinotapira

kunobatsira kukurudzira vamwe.

22Ungwaru itsime roupenyu

kune anaho

asi upenzi ishamhu kumapenzi.

23Pfungwa dzomungwaru

dzinoita kuti muromo wake

utaure zvinoungwaru

uye zvinopamhidzira kumuromo wake

chipo chokukurudzira vamwe.

24Mazwi akanaka

akaita sezinga rouchi,

anotapira parurimi

uye anorapa munhu.

25Munhu anogona kuona

zviito zvake sezvakanaka

asi zvichizoguma

zvamuendesa kurufu.

26Havi yomushandi

ndiyo inomumanikidza kushanda

nokuti nzara inomukweva.

27Dzenga rinomutsa muchokoto,

zvarinotaura, moto chaiwo unopisa.

28Munhu akaipa anopesanisa vanhu

munhu wamakuhwa anoparadzanisa shamwari.

29Munhu woutsinye anofurira mumwe wake

achimutungamirira munzira isina kururama.

30Munhu anochonya maziso

ane twaanoronga twakaipa,

munhu anomonya muromo

anokonzera zvakaipa kuti zviitike.

31Kuchena musoro indaza yembiri

kunowanikwa noupenyu hwakarurama.

32Munhu asingakurumidzi kushatirwa

ari nani pane vana masimba,

munhu anozvitonga ari nani

pane anokurira guta.

33Panogona zvapo kuita chin'ange

pamakumbo

asi zvinenge zvabvumirwa

naTenzi ndizvo zvinoitika.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help