Jemusi 4 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Kunobva hondo nomubayiro wokushamwaridzana nenyika

1Chii chinokonzera hondo uye chii chinokonzera kurwisana pakati penyu? Hadzisi havi dzenyu here dzinokonzera kurwisana mukati memitezo yenyu?

2Munoda chinhu motadza kuchiwana nezvo munobva monouraya. Munochiva chinhu asi motadza kuchiwana nezvo morwa zvokuita hondo. Hamuwani chinhu nokuti hamukumbiri.

3Kana mukakumbira hamuwane nokuti hamukumbiri nenzira kwayo muchitoda zvenyu kuzvipedzera muhavi dzenyu.

4Vanhu vasingatendeki! Hamuzivi here kuti kushamwaridzana nenyika kunoita kuti muvengane naMwari? Naizvozvo munhu anoda kuva shamwari yenyika anozviita mhandu yaMwari.

5Kana kuti munofunga here kuti Magwaro Matsvene anotaura pasina paanoti, “Mwari anorwadziwa mumwoyo neshanje pamusoro paMweya waakati agare matiri

6asi anopa nyasha dzakatowanda.” Ndosaka Magwaro Matsvene achiti, “Mwari anopikisana navanozvikudza achipa nyasha dzake kune vanozvininipisa.”

7Naizvozvo zviisei pasi paMwari. Rwisai Satani iye achakutizai.

8Swederai kuna Mwari iyewo achaswederawo kwamuri. Shambai maoko enyu imi vatadzi muchenese mwoyo yenyu, imi vanhu vemwoyo miviri.

9Suwai muungudze mucheme. Kuseka kwenyu ngakusanduke kuve kuungudza; kufara kwenyu kuve kusuruvara.

10Zvirerekei pamberi paTenzi iye achakukwidziridzai.

Kutsoropodza vamwe

11Hama dzangu musataure zvakaipa nezvavamwe. Munhu anotaura zvakaipa nezvehama kana kutsoropodza hama yake anotaurawo zvakaipa nezvomutemo uye anotsoropodza mutemo. Zvino kana uchitsoropodza mutemo hausi kuchengeta mutemo watova mutsoropodzi.

12Kunongova nomupi mumwechete womutemo nomutongi anogona kuponesa nokuparadza. Ko iwe uri aniwo zvako iwe, unotsoropodza mumwe wako?

Munhu ziva zvauri

13Ko zvino imi munoti, “Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta rakati tondopedza gore tiriko tigoshava tiwane upfumi”

14asi zvamangwana musingambozviziva? Upenyu hwenyu chii? Nokuti muri mhute inongooneka kwechinguva yobva yanyangarika.

15Zvamunotofanira kutaura ndezvokuti: “Kana Tenzi achida tichararama uye tichaita ichi nechocho.”

16Asi sezvazviri munotozvitutumadza mukuzvikudza kwenyu. Kuzvitutumadza kose kwakadaro kwakashata.

17Munhu anoziva zvinofanira kuitwa zvakarurama, asi asingazviiti, kwaari chitadzo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help