Mabasa 13 - Shona Common Language Bible(SCLB)

III: NZENDO DZABHANABHASI NAPAURO MUSANGANO MUKURU KUJERUSAREMUKusarudzwa nokutumwa kwaBhanabhasi naSauro

1Musangano rokuAndiyoku maiva navaporofita navadzidzisi vaiti Bhanabhasi naSimeoni ainzi Mutema kouya Rusiasi wokuSairini naManaeni (akarerwa naHerodhi mutetiraki) naSauro.

2Pavainamata Tenzi uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vaite basa randavasarudzira.

3Mushure mokutsanya nokunamata vakaisa maoko avo pavari vakavaendesa.

Bhanabhasi naPauro kuSaipurasi

4Sokutumwa kwavakaitwa naMweya Mutsvene vakadzika kuSerusia. Vakazobva ikoko vakaenda kuSaipurasi nengarava.

5Pavakasvika kuSaramisi vakaparidza Shoko raMwari mumasinagogu avaJudha uye vaiva naJohani wokuvabatsira.

6Pavakafamba nechitsuwa ichocho chose kusvika kuPafosi, vakasvika panomumwe munhu wamashiripiti, muporofita wechiJudha wenhema ainzi Bha Jesu.

7Aiva naSejiusi Pauro gavhuna, munhu aiva nouchenjeri akadaidza Bhanabhasi naSauro achida kunzwa Shoko raMwari.

8Asi Erimasi munhu wamashiripiti uya, (izvozvi ndizvo zvinoreva zita rake) akavadzivisa achida kuti gavhuna asagamuchire chitendero.

9Asi Sauro anonziwo Pauro, azere naMweya Mutsvene, akanyatsomutarisisa

10akati, “Iwe uzere namanyepo nounyengedzi, mhandu yezvose zvakarurama, dhiabhori womunhu. Hauregi nei kuminamisa nzira dzakati twasa dzaTenzi?

11Chinzwa, simba roruoko rwaMwari richakurova. Uchava bofu usingagoni kuona usingaoni zuva kwenguva yakati kuti.” Pakarepo mhute nerima zvakabva zvamukwidibira. Akatsvanzvadzira achitsvaka wokumutungamirira akamubata ruoko.

12Gavhuna uya akatenda paakaona zvakanga zvaitika nokuti akashamiswa nechidzidziso chaTenzi.

Pauro naBhanabhasi kuPisidhiya

13Zvino Pauro navamwe vake vakabva nechikepe kuPafosi vakasvika kuPeriga muPamufiria. Johani akavasiya akadzokera kuJerusaremu.

14Ivo vakapfuurira kubva kuPeriga vakasvika kuAndiyoku yokuPisidhia. Pamusi weSabata vakaenda kusinagogu vakagara pasi.

15Mushure mokunge bhuku romutemo navaporofita zvaverengwa vakuru vakuru veSinagogu vakatuma shoko vachiti, “Hama kana muna mazwi anokurudzira vanhu ataurei.”

16Naizvozvo Pauro akasimuka akaninira namaoko ake akati:

“Vanhu veIsiraeri nemi munotya Mwari teererai

17Mwari wavanhu ava vechiIsiraeri akasarudza madzibaba edu akaita kuti vanhu ivava vave rudzi rukuru panguva yavaigara munyika yeIjipiti akavaburitsa nesimba roruoko rwake.

18Kwenguva inenge makore makumi mana akavaitira mwoyo murefu murenje.

19Paakaparadza marudzi manomwe munyika yeKanani akavapa nyika yavo kuti ive nhaka yavo

20kwamakore mazana mana anamakumi mashanu. Mushure maizvozvo akavapa vatongi kusvika pana muporofita Samueri.

21Vakazokumbira kuti vave namambo Mwari akavapa Sauro mwana waKishi murume wedzinza raBhenjamini kwamakore makumi mana.

22Paakamubvisa akamutsa Dhavhidhi kuti ave mambo wavo waakataura pachena achiti, ‘Ndakawana muna Dhavhidhi mwana waJese munhu wapamwoyo pangu achaita zvose zvandinoda.’

23Muzvizvarwa zvomunhu uyu, Mwari akaunza kuIsiraeri mununuri Jesu sokutsidza kwaakanga aita.

24Jesu asati auya Johani akanga achiparidza kuvanhu vose veIsiraeri kuti vapinduke vaombekwe.

25Johani paakanga ava kupedza basa rake akati, ‘Munofunga kuti ndini ani? Handisini iye. Kwete, asi mushure mangu muri kuuya mumwe, wandisingakodzeri kubvisa shangu patsoka dzake.’

26“Hama dzangu, vana vemhuri yaAbhurahamu navamwe vari mukati menyu vanotya Mwari, ndisu takatumirwa shoko roruponeso irworwu.

27Kuna vavo vanogara muJerusaremu navatongi vavo, vakazadzisa izvozvi nokumupa mhosva pamusana pokuti havana kumuziva kana kunzwisisa zvaitaurwa navaporofita zvinoverengwa paSabata roga roga.

28Kunyange pakanga pasina mhosva yokumupa yaikodzera rufu asi vakakumbira Pirato kuti auraiwe.

29Pavakanga vapedza kuita zvose zvakanga zvakanyorwa nezvake, vakamuburutsa pamuti vakamuradzika muguva.

30Asi Mwari akamumutsa kuvafi.

31Kwamazuva mazhinji akazviratidza kuna vakakwira naye kubva Garirea vachienda kuJerusaremu zvino vava zvapupu zvake kuvanhu.

32“Zvino tinokuunzirai Shoko Rakanaka rokuti Mwari zvaakatsidzira kumadzibaba edu

33izvi akazvizadzisa kwatiri isu vana vavo nokumutsa kwaakaita Jesu sokunyorwawo kwazvakaitwa murwiyo rwechipiri zvichinzi,

“ ‘Iwe ndiwe mwanakomana wangu

nhasi ndakubereka.’

34Zvokuti Mwari akamumutsa uye kuti haachazombodzokerazve mukuora akataura achiti,

‘Ndichakupa zvikomborero

zvitsvene zvechokwadi zvaDhavhidhi.’

35Nezvo anotaura mune rumwe rwiyo achiti,

‘Hamuregi mutsvene wenyu achiora.’

36Nokuti Dhavhidhi paakapedza kuita zvaakanga atarirwa naMwari kuti aite muchizvarwa chake akafa akandovigwa pamwechete namadzitateguru ake akaora.

37Asi iye akamutswa naMwari, haana kuora.

38Naizvozvo chizvizivai hama dzangu kuti nokumunhu uyu kuregererwa kwezvitadzo kunoparidzwa kwamuri.

39Munhu wose anotenda anosunungurwa naye muna zvose zvamakanga musingakwanisi kusunungurwa nomutemo waMosesi.

40Saka, chenjerai, kuti zvimwe, mungawirwe nezvakataurwa muvaporofita zvinoti:

41‘Chinzwai imi vanyombi

dzungairai muparare

nokuti ndichaita chimwe chinhu

mumazuva enyu

chinhu chamusingabvumi kudavira

kana munhu akutaurirai.’ ”

42Pavakanga vava kubuda vanhu vakakumbira kuti vazovataurirazve zvinhu izvi paSabata raitevera.

43Pakapera musangano wapasinagogu, vaJudha vazhinji navanamati vaMwari vakanga vapindukira kuchiJudha, vakatevera Pauro naBhanabhasi vakataura kwavari vachivakurudzira kuti varambe vari munyasha dzaMwari.

Pauro naBhanabhasi vakasarudza kusva vandoparidza kune vechirudzi

44Pasabata rakatevera chifo cheguta rose rakaungana kuti vazonzwa shoko raMwari.

45VaJudha pavakaona manyore manyore avanhu vakazadzwa neshanje vakapikisana nezvaitaurwa naPauro vakamunyomba.

46Pauro naBhanabhasi vakataura nokushinga vachiti, “Shoko raMwari raifanira kutanga rataurirwa kwamuri. Zvino zvamariramba mukaona kuti hamukodzeri upenyu usingaperi, chinzwai, isu tava kuenda kune vechirudzi.

47Ndizvo zvatakaudzwa naTenzi kuti tinofanira kuita paakati,

“ ‘Inga ndakaita kuti

uve chiedza kune vechirudzi

kuti ruponeso rwangu

rusvike kwakaperera nyika chaiko.’ ”

48Vechirudzi pavakazvinzwa, vakafara vakarumbidza Shoko raMwari, vose zvavo vakanga vakasarudzirwa upenyu usingaperi vakatenda.

49Shoko raMwari rakapararira munyika iyoyo.

50Asi vaJudha vakamutsa mweya usina kunaka pakati pamadzimai epamusoro, vanamati, navakuru vakuru vechirume vomuguta iroro vakatanga kutambudza Pauro naBhanabhasi vakavadzinga mudunhu ravo.

51Asi ivo vakazunza guruva patsoka dzavo rokuti vazviparira rushambwa, vakaenda kuIkoniumu.

52Vadzidzi vakazadzwa norufaro uye naMweya Mutsvene.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help