1 Pita 3 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Murume nomukadzi vakawanana

1Ndizvo zvimwechetewo nemi madzimai zviisei pasi pavarume venyu kuti vamwe vavo kunyange vasingateereri shoko, vanogona kubatwa mwoyo nomugariro wavakadzi vavo pasina chataurwa,

2kana vaona kuremekedza kwenyu noupenyu hwenyu hwakachena.

3Kuzvishongedza kwenyu ngakurege kuva kokunze zvakaita sokugadzira vhudzi nokuzvishongedza nendarama nokupfeka hanzu dzamandiriri.

4Runako rwenyu ngaruve rwohunhu hwakavandika rwomumwoyo nechishongo chisingaparari chomweya wakapfava worunyararo wakakosha kwazvo pana Mwari.

5Saizvozvo ndizvo zvaiitwa navakadzi vakare vatsvene vaiva nechitarisiro muna Mwari. Vaizvishongedza nokuzviisa pasi pavarume vavo

6sokuteerera Abhurahumu kwakaita Sara achimuti Tenzi. Zvino imi ndimi vana vake kana mukaita zvakanaka musina chamunotya.

7Ndizvozvowo nemi varume, munofanira kugara navakadzi venyu nokunzwisisa muchivaremekedza savanhu vasina simba serenyu. Varemekedzei nokuti vachagamuchira pamwechete nemi chipo choupenyu kuti minamato yenyu irege kupingidzwa.

Kutambudzikira zvinhu zvakanaka

8Pokupedzisira, mose zvenyu ivai nomwoyo mumwechete muchinzwirana urombo muchidanana sehama nehama nokuva nomwoyo munyoro nomwoyo wokuzvirereka.

9Musadzorere chakaipa nechakaipa kana kurengerera nokurengerera asi chenyu imi itotii ngavakomborerwe nokuti ndizvo zvamakadaidzirwa kuti muwane chikomborero.

10“Uyo anoda upenyu,

anoda kuwana upenyu hwakanaka,

ngaazvidzore rurimi rwake kuuipi

nomuromo wake urege kutaura nhema.

11Ngaasiane nouipi aite zvakanaka

ngaatsvake rugare arutevere,

12nokuti maziso aTenzi ari pavarurami

nzeve dzake dzakarerekera kuzvichemo zvavo.

Uso hwaTenzi hunonangana navanoita zvakaipa.”

13Ndiani angakukuvadzei kana muine shungu nezvakanaka?

14Asi kunyange zvazvo mukatambudzikira ururami muchakomborerwa. Musavatye uye musazvidye mwoyo.

15Asi imi mumwoyo menyu remekedzai Kristu saTenzi. Garai makagadzirira kupindura munhu anokubvunzai nezvechitarisiro chiri mamuri, asi zviitei nemwoyo munyoro norukudzo

16muchengetedze hana dzenyu dzakachena kuti kana votaura zvakaipa nezvenyu, vanonyomba mugariro wenyu wakanaka muna Kristu, vanyadziswe

17nokuti zviri nani kutambudzikira kuita zvakanaka kana zviri izvo zvinoda Mwari pano kuita zvakaipa,

18nokuti Kristu akafira zvitadzo chakamwe, munhu akarurama achifira vasina kururama kuti atiunze kuna Mwari. Mumuviri akauraiwa, mumweya akamutswa.

19Muupenyu hwomweya ihwohwo akaenda akandoparidza kumweya yaiva muusungwa

20vasina kunge vateerera; Mwari paakamirira nomwoyo wake murefu, pamazuva aNowa ngarava ichavakwa, makazoponeswa vanhu vashoma vanokwana vasere chete, vakaponeswa nemvura.

21Ruombeko rwakaita saizvozvo. Runokuponesai zvino, kwete nokubvisa tsvina pamuviri asi sechichemo kuna Mwari kuti hana icheneswe pamusana pokumuka kwaJesu Kristu

22akaenda kudenga, zvino ari kurudyi rwaMwari. Vatumwa neveushe navanamasimba vari pasi pake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help