3 Johani 1 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Kusuma

1Ini mukuru wesangano, ndinokunyorera iwe Gayusi wandinoda wapamwoyo pangu zvechokwadi.

2Mudikanwi, ndinonamata kuti dai waro zvinhu zvose zvangokufambira zvakanaka uye kuti uve noutano hwakanaka. Ndine chokwadi chokuti pane zvomweya wako, muchete.

3Ndakafara zvikuru vamwe vedu pavakasvika vachipupurawo nezvechokwadi chiri mauri sokutevedzawo kwaunoita idi zviri pachokwadi.

4Hapana chingandifadze kupfuura izvi zvokunzwa kuti vana vangu vari kutevedza chokwadi.

Kurumbidzwa kwaGayusi

5Mudikanwi, chinhu chakatendeka chaunoita chokubatsira kwaunoita vamwe vedu, zvikuru kuvaenzi.

6Ivowo vakapupura nezvorudo rwako kusangano. Chingave chinhu chakanaka kuvabatsira kuenderera mberi nerwendo rwavo nomutowo unofadza Mwari.

7Chakaita kuti vapinde munzira, izita iroro uye hapana chavakatambira kubva kuna vasiri vanamati.

8Naizvozvo isu tinofanira kutsigira vanhu vakadai tive vashandipamwe muchokwadi.

Kuzvikudza kwaDhiotirefesi

9Pane zvandakanyora kusangano asi Dhiotirefesi uyo anoda kuzviita mutungamiri, haandioni somutungamiri.

10Naizvozvo kana ndauya ikoko ndichavhundunyura zvaari kuita, zvokufambisa makuhwa nezvangu. Pamusoro paizvozvo anoramba kugamuchira vamwe vedu achirambidzawo vamwe kuvagamuchira achitovadzinga musangano.

11Mudikanwi, usatevedzere uipi asi tevedzera zvinhu zvakanaka. Munhu anoita zvakanaka munhu waMwari. Anoita zvakaipa haana kuona Mwari.

Hunhu hwaDhemetiriusi

12Dhemetiriusi munhu anoyemurika kuvanhu vose uye achipupurirwa nechokwadi pachacho. Neniwo ndinomupupurira. Iwe unoziva kuti kupupura kwangu ndekwechokwadi.

Mazwi okuonekana

13Ndanga ndine zvizhinji zvokukunyorera asi handingadi zvangu kukunyorera nepeni neingi.

14Ndinovimba kuti ndichakuona nokukurumidza. Ipapo tichazotaurirana takatarisana uso nouso.

15Rugare ngaruve newe. Muri kukwaziswa neshamwari. Undikwazisirewo shamwari dzose uchidzidoma namazita.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help