Tsumo 3 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Nzira yokuwana nayo ungwaru

1Mwanangu usakanganwe

chidzidziso changu,

mwoyo wako ngauchengete

mitemo yangu

2nokuti zvichakupa

mazuva mazhinji

namakore oupenyu akawanda

uye kugarika kukuru.

3Usasiane nokuvimbika nokutendeseka

zvisungirire muhuro,

zvinyore pachiredhi chemwoyo wako.

4Naizvozvo uchava nezita rakanaka

uchifarirwa naMwari navanhu.

5Vimba naTenzi nomwoyo wako wose

usavimbe nokuona kwako zvinhu nemazvo.

6Muzviito zvako zvose muzive,

iye achatasanudza nzira dzako

7usazviite munhu anoziva

itya Tenzi ufuratire uipi.

8Zvichakurapa muviri wako

zvigonyava mapfupa ako.

9Remekedza Tenzi nezvaunazvo

uye nembesanwa dzinotanga kuibva.

10Matura ako anobva azadzwa nezvakawanda

makuvi ako ewaini anozopfachukira.

Rufaro runowanikwa muungwaru

11Mwanangu usashore kudzidziswa

kwaunoitwa naTenzi

kana kuneta nokukutsiura kwaanoita

12nokuti Tenzi anotsiura wavanoda

sezvinoita baba mwana waanoda.

13Akakomborerwa munhu anowana ungwaru,

munhu anowana kunzwisisa,

14nokuti zvinowanikwa mahuri

zviri nani pano zvinowanikwa musirivha

uye zvibereko zvahwo zvinokunda

zvibereko zvendarama.

15Ungwaru hwakakosha kukunda zvishongo,

hapana chaungade chingaenzaniswe nahwo.

16Murudyi rwahwo muno upenyu hurefu

muruboshwe mahwo muno upfumi norukudzo.

17Nzira dzahwo inzira dzinofadza

uye maitiro ahwo ndoorugare.

18Muti woupenyu kuna vanohuwana.

Vanohubatisisa vanonzi vakakomborerwa zvavo.

19Noungwaru Tenzi akadzika ugaro hwapasi

akamisawo nokunzwisisa kwake denga.

20Noruzivo rwake akaita pasi-pasi patubuke mvura

uye kuti makore adonhedze dova.

Chikomborero cheane ukama hwakanaka navamwe

21Mwanangu chengeta ungwaru chaihwo

uye kugona kusarudza

ngazvirege kupunyuka maziso ako.

22Zvichava hupenyu hwako

uye chishongo chomutsipa wako.

23Ipapo unozofamba nzira yako

pasina chinokuwana

tsoka yako haizogumburwi.

24Kana wagara hauzotya

uye paunorara uchavata hope dzakanaka.

25Hauzotya chivhundumukira chezvinotyisa

kana pfumvu yowira vaipi,

26nokuti Tenzi ndiye waunovimba naye.

Iye achachengeta tsoka yako

kuti irege kubatwa nomusungo.

27Usarege kuitira munhu anokodzera kuitirwa

zvakanaka kana uchizvikwanisa.

28Usati kuno mumwe wako

enda zvako uzouyazve,

mangwana ndozokupa

asi iwe uinacho.

29Usaronge kuitira mumwe wako zvakaipa

anogara pamwechete newe

achivimba newe.

30Rega kumutsana nomunhu pasina chiripo,

asina chaakutadzira.

31Usaitire shanje munhu weganyavhu

usasarudze kana imwe yenzira dzake

32nokuti Tenzi anosema

munhu ano mwoyo wakaipa

asi munhu ari pachokwadi

munhu wake wapamwoyo.

33Tenzi anoita kuti

imba yomunhu wakaipa

iwirwe norushambwa

asi dzimba dzavakarurama

anodzikomborera.

34Vanoshora anovashorawo

asi vanozvidukupisa

anovaitira mwoyochena.

35Vangwaru vanowana mugove worukudzo

asi mapenzi, chavo kuwanziridza kunyara.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help