1“Zvino kana uchinge wasvika munyika yaunopiwa naTenzi Mwari wako kuti ive yako, waitora wagaramo,
2pamhando dzose dzembesa dzako kana odzikohwa unofanira kutora dzokutanga dzacho uise mutswanda uende nadzo kunzvimbo ichasarudzwa naTenzi Mwari wako kuisa zita rake kuti rivepo,
3uende kumupristi anenge ariko panguva iyoyo uti, ‘Nhasi uno ndinoreva pachena kuna Tenzi Mwari wenyu kuti ndakakwanisawo kuva munyika ino iyi makatsidzirwa madzitateguru edu naTenzi kuti tinozopiwa.’
4“Mupristi ngaatambire tswanda iyoyo andoigadzika paatari yaTenzi Mwari wako.
5Pana Tenzi Mwari wako ipapo taura uchiti, ‘Baba vangu vaiva muAramu, vaiva munhu aingoti apa garei tamei apa garei tamei, vakaenda kuIjipiti vakagarako nemhuri yavo yavanhu vashomashoma. Vari ikoko vakazova rudzi rukuru, runa simba, runa vanhu vazhinji.
6VaIjipiti vakatibata zvakaipa vakationesa nhamo vachitiitisa basa rechibharo.
7Takazochema kuna Tenzi Mwari wamadzibaba edu, Tenzi ndokunzwa kuchema kwedu, ndokuonawo kutambura kwedu nomutoro wedu webasa nokusabatwa zvakanaka kwataiitwa.
8Tenzi akatiburitsa muIjipiti nesimba rake guru namabasa ake makuru anotyisa nezviratidzo nezvishamiso.
9Akatiunza kunzvimbo ino akatipa nyika ino, nyika yakanaka yomukaka nouchi.
10Zvino, hedzinoi mbesa dzokutanga dzomumunda wamakandipa imi Tenzi dzandauya nadzo.’ Unofanira kudziisa pana Tenzi Mwari wako upfugamire Tenzi Mwari wako ipapo.
11Iwe nemhuri yako nomuRevhi nomutorwa pemberai muchifarira zvinhu zvawakapiwa naTenzi Mwari wako.
12“Gore rechitatu roga roga, igore rokubvisa chegumi chezvose zvaunowana uchipa muRevhi nomutorwa nenherera nechirikadzi kuti dzidye dzigute mumaguta enyu. Kana wapedza
13enda undotaura pana Tenzi Mwari wako kuti, ‘Ndatora mumba mangu chikamu chamakatema kuti ndechenyu ndikapa muRevhi nomutorwa nenherera nechirikadzi sokundirayira kwamakaita, handina kumbodarika kana kukanganwa mirao yenyu.
14Handina kudya chegumi pandaingunochema nhamo yokufirwa, kana kuchibata pandainge ndan'ora, kana kuchipira kumidzimu. Ndakateerera izwi raTenzi Mwari wangu ndikaita zvose sokundirayira kwamakaita.
15Titarireiwo muri kudenga, kumusha wenyu mutsvene mukomborere vanhu venyu vaIsiraeri nenyika iyi yakanaka yomukaka nouchi yamakatipa sokutsidzira kwamakaita madzibaba edu.’
Vanhu vaMwari chaivoivo16“Nhasi uno Tenzi Mwari wako anoti teerera mitemo nemirao iyoyi, uichengete nomwoyo wako wose nomweya wako wose.
17Nhasi wabvuma zvataurwa naTenzi kuti ndiye Mwari wako uye kuti uchafamba munzira dzake, uchichengeta zvirevo nemitemo nemirao yake, nokuteerera izwi rake.
18Tenzi abvumawo nhasi kuti imi ndimi vanhu vake chaivoivo sokukutaurirai kwaakaita uye kuti muchachengeta mitemo yake yose.
19Akati achakusimudzirai pamusoro pendudzi dzavanhu dzose dzaakasika. Muchakudzwa, zita renyu rigorumbidzwa, mugova nomukurumbira, imi mugova rudzi rutsvene rwaTenzi Mwari wenyu sokureva kwake.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.