1 Madzimambo 4 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Makurukota namasadunhu aSoromoni

1Mambo Soromoni aitonga Isiraeri yose zvayo.

2Aiva makurukota ake ndeaya anoti:

Muprisiti aiva Azariya

mwanakomana waZadhoki

3samunyori ari Erihorefu naAhiya

vanakomana vaShisha

samunyori mukuru aiva Jehoshafati

mwanakomana waAhirudhi.

4Mutungamiri wehondo aiva Bhenaya

mwanakomana waJehoyadha

vamwe vapristi vaiva Zadhoki

naAbhiyatari.

5Mukuru mukuru wamasadunhu aiva Azariya

mwanakomana waNatani.

Jinda ramambo neshamwari yamambo aiva mupristi Zabhudhi

mwanakomana waNatani.

6Mukuru mukuru wapamuzinda wamambo

aiva Ahisha.

Mukuru mukuru webasa rechibharo

aiva Adoniramu mwanakomana waAbhudha.

7Soromoni aiva namasadunhu gumi namaviri

ndoaiva okuwanira chokudya

mambo navose vomumuzinda make.

Mumwe nomumwe aiva nebasa

rokuwanira mambo zvokudya kwomwedzi wose pagore.

8Mazita avo ndeaya, kwaiti:

Bhenihuri kunyika yokwaEfuraimu yemakomo

9Bhenidhekeri kuMakazishaaribhimu

nokuBhetishemeshi neEronibhetihanani

10Bhenihesedhi kuArubhoti sadunhu

wokuSoko noruwa rweHeferu rwose

11Bheniabhinadhabhu kuNafatidhori uyu

akanga akaroora Tafati mukunda waSoromoni

12Bhaana mwanakomana waAhirudhi sadunhu

wokuTaanaki nokuMegidho nokuBhetishani

yose pedyo nokuZaretani

kumaodzanyemba kweJezirieri,

kubvira kuBhetishani kundosvika

kuAbherimehora kundoyambukira kuJokimeamu

13Abherimehora sadunhu wokuRamatigireadhi

nemisha yomuGireadhi yevemhuri

yokwaJairi mwanakomana

wokwaManase noruwa rwose

rwokwaArigobhu kuBhashani

namaguta aro makuru makumi

matanhatu ane tsvingo ane

zvihuri zvemisuo mikuru zvendarira

14Abhinadhabhu mwanakomana waIdho

sadunhu wokuMahanaimu

15Ahimaazi sadunhu wokwaNafutari

(uyu akanga akaroorawo

mukunda waSoromoni, Bhasimati)

16Bhaana mwanakomana waHushai

sadunhu wokwaAsheri nokuAroti

17Jehoshafati mwanakomana waParua

sadunhu wokwaIsakari

18Shimei mwanakomana waEra

sadunhu wokwaBhenjamini

19Gebheri mwanakomana waUri

sadunhu wokuGireadhi

nyika yaSihoni

mambo wavaAmori

nenyika yaOgu

mambo weBhashani

ndiye oga aiva sadunhu.

Mukurumbira wokutonga kwaSoromoni

20VokwaJudha nevokwaIsiraeri vaiva vakawanda sejecha romumahombekombe egungwa. Vaidya vachinwa upenyu huchivafadza.

21Soromoni aitonga nyika dzose kubvira muna Yufuratesi kusvikira kunyika yevaFirisitia nokumuganhu weIjipiti. Vaitera mutero vachishandira Soromoni upenyu hwake hwose.

22Pazuva, kwaSoromoni kwaidiwa zvokudya zvakadai izvi, kwaiti:

makumi mashanu amasaga oupfu hwekoroni

hwakatsetseka, nezana ramasaga oupfu

23nemombe gumi dzakakodzwa nedzimwe mombe

makumi maviri uye mbudzi nehwai zana kwouyawo

nondo nemhara nemhembwe nehuku dzakakodzwa.

24Chaidariso ndechokuti aitonga dunhu rose rokumadokero kwaYufuratesi kubvira kuTifusa kusvikira kuGaza achitonga madzimambo ose kumadokero aYufuratesi aine runyararo mativi ose akanga akamupoteredza.

25Panguva yose yaSoromoni kwaJudha nokwaIsiraeri kwakanga kuine runyararo kubvira kwaDhani kundosvika kuBheerishebha munhu wose ari pamutambarakede pamuvhaini nepamukuyu wake.

26Soromoni aivawo notumatanga twemabhiza zviuru makumi mana navachairi vawo zviuru gumi nezviviri.

27Masadunhu aye aye ndiwo aiwanira mambo Soromoni zvokudya nevose vaidya pamwechete namambo Soromoni pateburu yake, mumwe nomumwe mwedzi wake, ndiwowo aiwona kuti hapana here chiri kushayikwa.

28Vaiunzawo bhari nemashanga amabhiza namanyurusi kwazvainge zvanzi zviunganidzirwe maererano nezvirongwa zvasadunhu woga woga.

29Mwari akapa Soromoni ungwaru nomwoyo unonzwisisa zvakanyanyisisa kwazvo noruzivo rwakawanda chaizvo sejecha romumahombekombe egungwa

30zvokuti ungwaru hwaSoromoni hwaipfuura ungwaru hwevanhu vose vokumabvazuva noungwaru hwose hwokuIjipiti.

31Uyezve akanga aine ungwaru kupinda munhu wose, kupfuura Etani vokwaEzira naHemani naKarikorai naDharidha vanakomana vaMahori. Akaenda mbiri munyika dzose dzaiva dzakapoteredza.

32Akaita tsumo zviuru zvitatu nenziyo chiuru chimwechete chine shanu.

33Aigona kukurukura nezvemiti kubvira kumushidhari uri kuRebhanoni kusvikira pakamuti komuhisopi kanomera pamadziro. Aikwanisawo kukurukura nezvemhuka neshiri nezvezvinozvova napasi uye nezvehove.

34Vanhu vaiuyako vachibva kundudzi dzose kuzonzwa ungwaru hwaSoromoni vachibvawo kumadzimambo ose apasi pano akanga anzwa nezvoungwaru hwake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help