1Mwoyo wangu wakagadzikana Mwari,
mwoyo wakagadzikana.
Ndichaimba ndichirumbidza;
muka iwe mweya wangu.
2Mukai imi dimbwa nechipendani
ndimutse mambakwedza.
3Ndichakutendai TENZI pakati pavanhu vamarudzi
ndichaimba ndichikurumbidzai
pakati pendudzi dzavanhu
4nokuti mwoyochena wenyu mukuru
kumusoro kumatenga
uye kutendeka kwenyu
kunosvika kumakore.
5Dai mangokudzwa zvenyu Mwari
kumusoro kumatenga;
mbiri yenyu idhumhe pasi pose.
6Kuitira kuti vapamwoyo penyu vaponeswe.
Batsirai nesimba roruoko rwenyu
mundipindurewo.
7Mwari akatsidza noutsvene hwake achiti,
“Ndichagamura Shikemu ndichifara.
Ndichagovawo mapani eSukoti.
8Nyika yeGiriadhi ndeyangu,
neyekwaManase ndeyangu,
yokwaEfuremu inguwani yangu,
yokwaJudha ndiyo tsvimbo yangu youmambo,
9yokwaMoabhu ndiyo mudziyo wangu wokugezera.
Pane yeEdhomu ndipo pandinokanda
shangu dzangu.
Firisitia ichapururudzira
kukunda kwangu.”
10Ko zvino ndiani achanditsvitsa
kuguta rokuzvidzivirira muhondo
ndiani achanditungamirira kuEdhomu.
11Hamusirimi here makatirasa nhai Mwari?
Hamuchaperekedzi hondo dzeduka, imi Mwari?
12Tibatsireiwo kurwisa mhandu dzedu
nokuti rubatsiro rwomunhu
haruna maturo.
13Kana Mwari anesu
tinorwisa zvine simba.
Ndiye achatsikatsika mhandu dzedu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.