Tsumo 21 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1Mwoyo wamambo uri mumaoko aTenzi,

anoutendeutsira kwaanenge achida.

2Zviito zvose zvomunhu zvingatarisike

sezvakanaka kumuridzi wazvo,

asi Tenzi anoyera zvinangwa zvomunhu.

3Kuita zvakarurama noruenzaniso,

ndizvo zvinodiwa naTenzi

kupinda chibayiro.

4Kutsvitsvinyara uye kuva nemwoyo

wokuzvikudza chitadzo,

ndiwo mwenje wavakaipa iwoyo.

5Kunyatsoronga zvinhu nemazvo,

kunowanisa zvakawanda,

mandichimbidzike anobereka urombo.

6Kuwana upfumi namanyepo

ibute rinongopfuura

uye iriva rorufu.

7Utsinye hwavakaipa huchavakukura

nokuti vanoramba kuita zvino ruenzaniso.

8Maitiro omunhu ane mhosva akaminama,

asi evasina mhosva akati tasa.

9Zviri nani kugara pakona yedenga remba

pano kugara nomukadzi anenharo.

10Mwoyo womunhu akaipa,

unodokwairira uipi

haana tsiye nyoro nomunhu.

11Kana anoshora akarangwa

voruzhinji vanongwara.

Kana mungwaru akadzidziswa,

anowana ruzivo.

12Iye mururami anoongorora

imba yomuipi

achapinza vakaipa mukuparadzwa.

13Munhu anodzivira nzeve

kumurombo anochema kwaari,

iyewo achazochema

pasina anomunzwa.

14Chipo chinopiwa muchivande

chinopodza hasha.

Pfumbamuromo yapakavanda

inomutsa hasha dzinotyisa.

15Kana ruenzaniso rwaitwa

zvinofadza wakarurama

asi zvinokangaidza vakaipa.

16Munhu anodzungaira

achisiya nzira yokunzwisisa

achandozorora mugungano rakafa.

17Munhu anoda zvokunakirwa

anova murombo,

munhu anoda waini namafuta

haambopfuma.

18Muipi ndiye achava chokununurisa mururami

vasingatendi muna Mwari vachava

chokununurisa vari pachokwadi.

19Zviri nani kugara mugwenga

pano kugara nomukadzi

anenharo uye ane muromo.

20Pfuma inokosha namafuta

zvinowanika mumba momungwaru

asi benzi romunhu rinozviparadza.

21Munhu anoramba achiita

zvakarurama nemwoyochena

achawana upenyu,

noururami nokukudzwa.

22Mungwaru anogona kukwira paguta

ravarwi vakasimba

agowisira pasi guta rokuzvidzivirira

muhondo ravaivimba naro.

23Munhu anobata muromo wake

uye anochengetedza rurimi rwake

anonzvenga nhamo.

24Mushori ndiro zita romunhu

anozvikudza anozvitutumadza

anoita zvehasha achizvikudza.

25Munhu ano usimbe,

chinomuuraya ishungu

nokuti maoko ake haadi kushanda.

26Muipi anoswera muswere wose

achingodokwaira zvokudokwaira zviye

asi mururami anopa

asingaiti kanyimiramundiro.

27Chibayiro chavaipi chinosemesa,

ko kutozoti kana zvaanochiunzira

zviri zvakaipa.

28Chapupu chenhema chinoparara

asi chapupu chakazvinzwa

chinoramba chichiteererwa

29Munhu wakaipa ane chiso chisinganyari

asi akarurama akatsiga mukuita kwake.

30Hakuna ungwaru kana njere kana mazano

zvingamirisane naTenzi.

31Bhiza ringadziirirwa zvaro zuva rehondo

asi anonunura muhondo ndiTenzi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help