1 Nhoroondo 17 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Shoko romuporofita Natani kuna Dhavhidhi(2 Sam 7:1–17)

1Dhavhidhi paakanga zvino anyatsogarawo mumuzinda wake akati kumuporofita Natani, “Tarisai muone, ini ndachidai zvangu kugara mumba yakashongedzwa nomusidhari, asi uku bhokisi raTenzi rechitenderano rakangoti njo mutendhe zvamo.”

2Natani akati kuna Dhavhidhi, “Endai zvenyu muite zvose zviri mumwoyo menyu nokuti Mwari anemi.”

3Asi usiku hwakarehwo shoko raTenzi rakasvika kuna Natani richiti,

4“Enda utaurire muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naTenzi, iwe hausiriwe unondivakira imba yokugara.

5Ndinodaro nokuti handina kumbogaraka mumba ini kubvira pandakatungamirira vaIsiraeri kusvikira pari nhasi. Asi changu ini kwanga kuri kugara mutendhe pose painge pambogarwa.

6Kwose kwandakafamba nevaIsiraeri vose ndakambobvunzawo here ini vatongi vavo vandaipa basa rokufudza vanhu vangu vaIsiraeri kuti, uri kuregerei kundivakira imba yakashongedzwa nomusidhari?’

7“Zvino chienda utaurire muranda wangu Dhavhidhi kuti zvanzi naTenzi wegurusvusvu rehondo, ‘Ndakakutora kumafuro kwawaifudza zvipfuwoka iwe kuti uve ishe wevanhu vangu vaIsiraeri.

8Ndaiva ndinewe kwose kwawaifamba ndikafanoparadza vavengi vako vose. Zvino ndichaita kuti zita rako rive nomukurumbira sezvakangoita mazita avakuru vakuru vepanyika.

9Ndinotsvakira vanhu vangu vaIsiraeri pokugara ndovasimapo kuti vagarewo zvavo pavo, vasisambofuruswa vaipi vasisambovapfuvisa sezvavaiita kare

10kubvira panguva yandaisarudzira vanhu vangu vaIsiraeri vatongi. Ndichaisa vavengi vako vose pasi pako. Uyewo Tenzi anoti kwauri iye Tenzi ndiye achatokuvakira imba.

11Mazuva ako akanga azokwana, wavata woendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ako, ndichamutsa mushure mako mumwe mwana wako pavana vako vakomana, mwana wako chaiye. Ndichaita kuti umambo hwake hudzike midzi.

12Iyeyo ndiye anofanira kundivakira imba. Ndichaita kuti umambo hwake hurambe huripo narini wose.

13Ini ndichange ndiri baba kwaari, iyewo ari mwana kwandiri. Handizobvisa mwoyo wangu paari sokubvisa kwandakauita pane mumwe akakutangira.

14Asi kutoti ndichaita kuti ukuru hwake hudzike midzi ari mumba mangu narini wose, ari muumambo hwangu nokusingapere. Umambo hwake hauperi narini wose.’ ”

15Natani akarondedzera Dhavhidhi mashoko iwaya ose achimutaurirawo chiratidzo ichochi chose.

Munamato waDhavhidhi wokutenda(2 Sam 7:18–29)

16Mambo Dhavhidhi akapinda akagara zvake pana Tenzi akanamata achiti:

“Ndiri aniwo zvangu

nhai Mwari, Tenzi.

Kana iyowo mhuri yokwangu, chiiwo zvayo,

kundisvitsawo pakadai?

17Sokunge izvozvi zvisina kukwana kwamuri imi Mwari,

masvika pokutotaura nezvichazoitika

mangwana, namangwana ayo

kumhuri yeni muranda wenyu.

Ndiwo maitiro enyu here iwaya kuvanhu

nhai Tenzi Mwari!

18“Pakadai apa, ini Dhavhidhi,

chii chimwewo chandingataure kwamuri

nokuremekedza kwamaiteni muranda wenyu?

Munondiziva wani ini muranda wenyu.

19Muchiitireni muranda wenyu Tenzi,

chiri chido chenyu zvenyu;

makaita chinhu chikuru chakadai

muchiita kuti zvinhu zvikuru zvose izvozvi zvizikanwe.

20Hakuna angamboenzaniswa nemi Tenzi,

uye hakuna mumwe Mwari kunze kwenyu imi,

maererano nezvose zvatakanzwa munzeve dzedu.

21“Ndiani pasi pano akaita savanhu venyu vaIsiraeri

rudzi runoti Mwari anoenda kundozvinunurira zvake

kuti vave vanhu vake

uye kuti mbiri yezita renyu idhume

achivaitira mabasa makuru anotyisa

nokudzingira kunze marudzi

kuitira vanhu vake ivavo vaakanunura kuIjipiti.

22Makaitawo kuti vaIsiraeri

vave vanhu venyu nokusingapere,

imiwo Tenzi mukava Mwari wavo.

23“Zvino imi Tenzi chizadzikisai waro

zvamakareva nezvangu ini muranda wenyu

nemhuri yangu zvirambe zvakadaro,

muite sokuvimbisa kwamakaita;

24kuti zita renyu rizivikanwe

riende mbiri nokusingaperi

zvichinzi, ‘Tenzi wehondo nehondo,

Mwari waIsiraeri ndiye Mwari weIsiraeri.’

Uye kwamuri imba yangu

ini Dhavhidhi muranda wenyu imire.

25Pamusana pokuti imi Mwari wangu

mandidudzira pachena, ini muranda wenyu

kuti muchandivakira imba

ndokusakawo ini muranda wenyu ndaita

simba rokuita munamato wakadai kwamuri.

26“Zvino Tenzi, imi ndimi Mwari

mavimbisa zvinhu izvi zvakanaka kudai

kuneni muranda wenyu,

27zvino chikomborerai waro mhuri yangu

ini muranda wenyu

kuti irambe yakangoti nemi kwati kwati

nokuti imi Tenzi chamakomborera

chakomborerwa nokusingapere.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help