Ezekieri 15 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Muenzaniso womuti womugirepisi

1Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti,

2“Nhai mwanakomana womunhu

ko iwo muti womugirepisi

unokundawo pai chaizvo

mimwe miti yose yesango?

3Pauri pangatorwe bango here

rokutoitisa chimwe chinhu?

Vanhu vangatore here pauri

kamhanda kokuturikawo kana chinhu zvacho?

4Ko ukaiswa mumoto sehuni

moto ukapisa kumhuno nokugaro kwawo,

pakati pawo pakava tsito

unenge uchine basa rei?

5Usati watsva,

hapana chawaigona kuita nawo,

ko kutozoti wapiswa nomoto waita tsito zvawo

chii chaungazomboshandiswa kuita?”

6Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari:

“Sehuni dzomuti womugirepisi pakati pemiti yesango

dzandakaisa muchoto

ndizvo zvandichaita vagari veJerusaremu.

7Ndichaonana navo.

Kunyange vakapunyuka moto,

moto uchatovapisa chete,

kana ndakatarisana navo kudaro,

ndipo pamuchandiziva kuti ndini Tenzi.

8Ndichaita kuti nyika iyoyi

ive renje zvaro.

Nokuti kuita kwavo hakuna kutendeka.”

Ndizvo zviri kutaura Tenzi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help