Isaya 29 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Zvaizowira Jerusaremu

1Zvichakuwana zvako Arieri,

iyewe Jerusaremu guta raigara Dhavhidhi!

Itaika zvenyu mazuva makuru iwayo

gore negore achirundana kudaro.

2Asi Arieri ndichaipa nhamo,

pachave nokuchema nokuungudza

guta reArieri kwandiri

richaita seatari yazara ropa.

3Ndichazokukomba mativi ose

ndikupoteredze nenharire

ndigovaka zvokukukomba nazvo.

4Ndopauchazotaura uri pasi,

pasi pasi chaipo penyika,

mazwi ako achabuda

achibva pasi chaipo muvhu,

inzwi rako richibva pasi

sezwi redzimudzangara.

Izwi rako richaita,

kazevezeve mumhukutu.

5Gurusvusvu ravavengi vako

richaita sehuruva,

gurusvusvu revanoutsinye

richiita sehundi inopfuura hayo.

Nenguva isipi uchayerekana

6washanyirwa

naTenzi wehondo nehondo

nemabhanan'ana

nokundengendeka kwenyika

noruzha rukuru

nechamupupuri nedutu

nerimi romoto unororomesa.

7Gurusvusvu ravanhu ramarudzi ose,

anorwisa guta reArieri,

vose zvavo vanorirwisa

vachirwisawo nhare yaro

yokuzvidzivirira muhondo,

vanoripa nhamo;

vachaita sokunge chiroto zvacho,

chiratidzo chinoonekwa usiku.

8Sezvinoitika kana munhu ane nzara

anorota achidya

ozomuka aine nzara yake, iyoyo

asina kuguta,

kana kuti zvinoitika kana munhu ane nyota

anorota achinwa mvura

anomuka akarezuka

ane nyota yake isina kupera

ndozvichaita gurusvusvu ravanhu

vamarudzi ose

vanorwisa Gomo reZioni.

Kurega kuita hanya neyambiro

9Zungairai muti tuzu

dzimairai mupofomare.

Mudhakwe,

asi isiri waini inokudhakai;

mudhadharike,

asi husiri hwahwa hunokudhadharitsai,

10nokuti Tenzi akakudururirai

chipo chomweya wehope dzorufu

uye akazarira maziso enyu

imi vaporofita,

akakwidibira misoro yenyu

imi vaoni.

11Saka chioneso chaizvozvi zvose chave semazwi ebhuku rakanamwa. Kana vanhu vakaripa kuno munhu anogona kuverenga vachimuti, “Verenga bhuku iri.” Iye anoti, “Handikwanisi, nokuti rakanamwa.”

12Uyewo kana voripa kuno munhu asingagoni kuverenga vachiti, “Verenga bhuku iri,” iye anoti, “Handikwanisi kuverenga.”

13Tenzi akati,

“Pamusana pokuti vanhu ava

vanongouya kuzondinamata

zvapamuromo chete

vachindikudza nemiromo yavo

asi mwoyo yavo iri kure neni,

kundiremekedza kwavo,

unongova mutemo wavakadzidziswa

wavakabata nomusoro chete.

14Naizvozvo chinzwai,

ndichaita zvakare zvinoshamisa vanhu ava

zvinhu zvinoshamisa zvinokatyamadza.

Ungwaru hwavakachenjera vavo

huchaparara.

Kunzwisisa kwavanonzwisisa vavo

kuchavanzwa.”

Kukunda kuchaita chakanaka

15Zvichakuwanai zvenyu imi

munoviga kwazvo mazano enyu pana Tenzi

imi vemabasa erima, muchiti,

“Ndiani anozviona, ndiani angazvizive.

16Munovhiringidza zvinhu zvose.

Muumbi ndiye anganzi ndiye mutapo here?

Muumbi anganzi ndiye munyakwe here?

Kana chinhu chakaitwa

choti kuna akachiita,

‘Haaziriye akandigadzira.’

Chinhu chakaumbwa choti,

kune akachiumba, ‘Haanzwisisi.’ ”

17Handiti kwangosara kanguva kadikidiki kwazvo

kokuti Rebhanoni richisandurwa

kuitwa munda unopa michero,

munda wacho unopa michero

uchizoonekwa sesango chairo handiti?

18Pamusi iwoyo matsi dzichanzwa

mazwi omubhuku

maziso amapofu ainge ari makati ndindo

muzarima achaona.

19Vatamburi vachamutsurudzwa rufaro,

vari muna Tenzi,

varombo muvanhu umu,

vachapembera norufaro rwavanowana

muna iye Anoera waIsiraeri

20nokuti vanoutsinye vachaguma,

vadadi vachapera,

vose vanogaririra kuita zvakaipa

vachatsakatiswa,

21vanoti kana nezwi rimwechete

ravanominunutsa,

voita kuti munhu atonzi apara mhaka;

vanotoita zvokuteya kwazvo

munhu anoraya vamwe

padare rokusuo guru

vanoti namazwi asina maturo

munhu ane nyaya inonzwika

aendeswe nyaya yake isina kutongwa.

22Naizvozvo Tenzi akanunura Abhurahamu,

anotaura nezvemba yaJakobho achiti:

“VokwaJakobho havachanyadziswa,

uso hwavo hauchazomboti wuna wuna

23nokuti pavachatarisa vana vavo

vandakaumba ini namaoko angu

vari pakati pavo

vachaeresa zita rangu,

vachaeresa iye Anoera waJakobho

vachimira vachitya Mwari waIsiraeri.

24Vanhu vakazungaira

vachauya kuzonzwisisa,

navanhu vokunyunyuta

vachizobvuma kuudzwa.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help