Titosi 2 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Chidzidziso chezvirokwazvo

1Chako iwe kudzidzisa chidzidziso chinovaka.

2Taurira varume vakuru kuti vazvibate pakunwa, vave vanokudzikana, vakangwara vane chitendero kwacho vave norudo kwaro nemwoyo mumwechete.

3Taurira vakadzi vakuru kuti vave vakatsiga vasina makuhwa kana kuva varanda vedoro; vanofanira kudzidzisa zvinhu zvakanaka, nenzira iyoyo

4vagodzidzisa madzimai echidiki kuda varume vavo navana vavo

5vakangwara vari vatsvene, vanochengeta dzimba dzavo, vano mutsa vanoteerera varume vavo kuti shoko raMwari rirege kushorwa.

6Saizvozvo, taurira varume vechidiki kuti vazvibate.

7Mune zvinhu zvose, iwe pachako vape muenzaniso wezviito zvakanaka uye mukudzidzisa kwako varatidze kuva pachokwadi uine chiremera

8nechidzidziso chakakwana chisina chingatsoropodzwe kuti vanopikisana newe vanyare vasina chakaipa chavangataure nezvedu.

9Taurira varanda kuti vateerere vatenzi vavo vavafadze muna zvose, kwete kuvapindura

10uye varege kuvabira, asi kutoratidza kuti vakanaka uye vanogona kuvimbwa navo zvechokwadi uyewo zvizere kuti muna zvose vayemurise chidzidziso chaMwari Muponesi wedu.

11Chikonzero chacho ndechokuti nyasha dzaMwari dzakaratidzwa pachena kuti vanhu vose vaponeswe

12dzichitidzidzisa kusiyana nezvisina chitendero nehavi dzezvenyika uye kuti tigare upenyu hokuzvibata huri pachokwadi hune chitendero panyika pano

13tichimirira chitarisiro chedu chine rufaro chokuoneka kwembiri kwaMwari wedu mukuru nomununuri wedu Jesu Kristu.

14Akazvipira pamusana pedu kuti atinunure kuuipi hwose uye kuti azvichenurire vanhu vake pachake vane shungu dzokuita mabasa akanaka.

15Taura zvinhu izvi pachena uchikurudzira nokutsiura nesimba rose usabvumire kuti pave neanozvikudza.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help