Jobhu 10 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Mwari munodirei kuita somunhu?

1Zvoupenyu handichazvida

ndichataura kunyunyuta kwangu ndakasununguka.

Ndichitaura zvinobva mukurwadziwa kwangu mwoyo.

2Ndichataurira Mwari kuti,

“Regai kundipa mhosva

ndizivisei mhosva yamunayo neni.

3Zvakanaka nhai kwamuri

kudzvanyirira nokushora

chisikwa chamakaita namaoko enyu

muchifarira urongwa hwavakaipa?

4Muna maziso avanhu here enyama?

Munoona sokuona kunoita vanhu here?

5Mazuva enyu akangoita here samazuva avanhu,

kana kuti makore enyu akangoita samakore avanhu,

6zvamunototsvaka kudai uipi hwangu

muchivhima kwazvo chitadzo changu

7imi muchiziva zvenyu kuti

ini handina mhosva

uye kuti wokundinunura mumaoko enyu ipapa hapana?

Ko Mwari zvavari ivozve vakandisika

8“Imi namaoko enyu ndimi makandiumba imi, mukandisika

asi zvino mavakusandukazve muchindiparadza.

9Yeukai kuti imi makandiumba semunyakwe

zvino mondidzorera kuhuruva zvakare here?

10Hamuna here kundidurura somukaka

mukandikodzeka somukaka wakakora?

11Inga makandipfekedza wani neganda nenyama

mukandibatanidza mapfupa namarunda.

12Nomwoyochena wenyu makandipa upenyu,

mukunditarira kwenyu makandichengetedza upenyu hwangu.

Ko idzo nhamo dzangu zvadzava kuvirikidzana

13“Asi zvinhu izvi makazvipfundirira mumwoyo menyu.

Ndinozviziva kuti ndochaiva chinangwa chenyu

14chokuti kana ndapara chitadzo,

imi mobva manyatsozviongorora;

pachitadzo changu ichocho musingandipembedzi.

15Dai kuri kuti ndakashata, nhamo ineni

kana dai kuri kuti ndakarurama, handipasimudze musoro

nokuti ndizere nenyadzi

uye ndakati tindindi mukurwadziwa kwangu.

16Ndikada kuti ndipasimuke

munondivhima seshumba, ndipo pamunotoratidza

masimba enyu anotyisa.

17Ndipo pamunotounza zvapupu zvitsva

muchipamhidzira kushatirwa kwenyu

hondo dzenyu ndipo padzinotovirikana samasaisai kuteverana.

Kukungura Rufu

18“Chamakandiburitsira mudumbu chii chaizvo?

Dai ndakafa zvangu pasina ziso rakandiona,

19ndakaita zvangu somunhu asina kumbovapo

ndakatakurwa kubva munhumbu ndichiendwa neni kuguva.

20Iwo mazuva angu haasi mashomanana here?

Ko munoregereiko kumbobvisawo ziso renyu pandiri

ndimbotiwo faranukei zvangu

21ndisati ndaenda kunzvimbo isingadzokwi,

kunyika yenhamo nerima guru,

22nyika yenhamo nenyonganyonga,

chiedza choko irima zvaro.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help