Tsumo 17 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1Zviri nani kuva nechipapata norunyararo

pano mumba muzere nokudyiririra

asi muine gakava.

2Muranda mungwaru anotonga

mwana mukomana anoita zvinonyadzisa

uye anotogoverana nhaka

semukomanomun'una nevana vomo.

3Bisiro nderesirivha

virira nderendarama

asi Tenzi ndiye anoedza mwoyo.

4Muiti wezvakaipa anoteerera

kumuromo unoreva nhema

munyepi anoteerera makuhwa.

5Munhu anonyomba murombo

anonyomba musiki wake.

Munhu anofarira nhamo dzavamwe

haamborega kurangwa.

6Vazukuru ndivo ndaza yavakwegura

uye vabereki ndiyo mbiri yavana.

7Kutaura zvakanaka hakupindirani nebenzi

ko kutozoti jinda rinotaura nhema.

8Pfumbamuromo kumuridzi wayo

yakaita sedombo romushonga

kwose kwaanoenda anobudirira.

9Munhu anoregerera

anotsvaka rudo

asi anoramba odzokorora nyaya

anoputsa ukama.

10Kutsiurwa kunopinda

mumunhu anonzwisisa

kupfuura kurova benzi kazana.

11Munhu wakaipa

anotsvaka zvokupanduka

achatumirwa nhumwa inoutsinye.

12Zviri nani kuti munhu asangane zvake

nebere gadzi ratorerwa vana varo

pane kusangana nebenzi muupenzi hwaro.

13Munhu akatsiva chakanaka nechakaipa,

zvakaipa hazvizosiana neimba yake.

14Kutangisa kwegakava

kwakaita sokudziura mvura

saka ibva gakava risati ramuka.

15Munhu anopembedza munhu akaipa

nomunhu anopa mhosva munhu asina mhosva

vose vari vaviri vanosemesa pana Tenzi.

16Zvinobatsirei benzi kuva nemari mumaoko

yokutenga nayo ungwaru iro musoro risina.

17Shamwari ishamwari nguva dzose

asi womumba ndowokutakura naye nhamo.

18Munhu asina pfungwa anongotsidza

achiva munhu wokumiririra

chikwereti chomumwe.

19Munhu anoda kukanganisa

anoda mhirizhonga.

Munhu anoda kuzvikwiridzira pamusoro

anozvitsvakira kuparadzwa.

20Munhu woujarijari haabudiriri

uye munhu anotaura zvakatsveyama

anowira mumatambudziko.

21Munhu anobereka dununu romwana

ane nhamo.

Baba vebenzi havana mufaro.

22Kuva nomwoyo wakafaranuka mushonga wakanaka

kusuruvara mwoyo kunoonza munhu.

23Munhu wakaipa anotora pfumbamuromo

pachipfuva chake

kuti akanganise ruenzaniso.

24Munhu anonzwisisa ungwaru anogara

akatarisana naho

asi maziso ebenzi

anogara ari kokoko kwakaperera nyika.

25Benzi romwana rinorwadzisa mwoyo wababa

uye rinoshungurudza amai vakaribereka.

26Kuripisa munhu asina mhaka

hazvina kunaka.

Kurova vakuru vakuru neshamhu

hakuna kunaka.

27Munhu anozvidzora pakutaura anoruzivo

munhu akanyarara munhu anonzwisisa.

28Kunyange benzi rinonyarara

rinoonekwa somungwaru.

Kana akaramba akati zvake muromo bo

vanhu vanofunga kuti anonzwisisa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help