1 Pita Zviri mutsamba yokutanga yaPita - Shona Common Language Bible(SCLB)

Zviri mutsamba yokutanga yaPita Tsamba yokutanga yaPita yakanyorerwa vatendi vakanga vasiri muIsiraeri, vaigara kune dzimwe nyika. Yakanyorerwa kukurudzira vanhu ivavo vaiva munhamo namatambudziko nokuda kwechitendero chavo. Tsamba iyi inoti kwavari tevedzerai Jesu Kristu (2:21). Zviisei pasi pavakuru vehurumende (2:13–17), pasi pavatenzi venyu (2:18–25) pasi pavarume venyu (3:1–7) muzvirereke zvenyu kana muchiitirwa zvisina ruenzaniso (3:8–12). Munofanira kugara savanhu vaKristu muchiziva kuti mubayiro wenyu uripo.Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yokutanga yaPitaKusuma (1:1–2)Ruponeso rwaKristu (1:3—2:10)Ukama huri pakati pavakristu (2:11—3:12)Matambudziko avakristu (3:13—4:19)Gungano ravakristu semhuri yaMwari (5:1–14)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help