Isaya 55 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Mwoyochena unoshamisa waTenzi kuvanhu

1“Imi mose mune nyota

uyai kumvura

kunyange musina mari

uyai zvenyu mutenge mudye!

Uyai mutenge waini nomukaka pasina mari.

2Chamunopedzera mari chiiko

muchitenga zvisiri chokudya

muchifondoka kushandira

zvinhu zvisingagutse chii?

Nyatsonditeererai mugodya zvakanaka

mugozvibaya zvenyu

nokudya zvakakora.

3Tetekerai nzeve,

muuye kwandiri,

munzwe muzviponese.

Ndichaita chitenderano changu nemi

chokugara nokugara.

Izvozvo uri

mwoyochena wangu kuna Dhavhidhi,

chaiwoiwo wechokwadi.

4Sezvamunongoonawo kuti

ndakamuita kuti ave sechapupu

kumarudzi avanhu

nashe nomutungamiriri

wemarudzi evanhu.

5Zvamuchione muchadaidza

dzindudzi dzavanhu dzamusingazive,

ndudzi dzavanhu vasingakuzivei

dzichamhanyidzana kwamuri,

achadariso ndiTenzi, Mwari wako

naiye Anoera weIsiraeri

nokuti ndiye akupai mbiri.”

Mutadzi pinduka utsvake Mwari achiri padyo

6“Tsvagai Tenzi

achiri kuwanika,

daidzai kwaari

achiri padyo.

7Wakaipa ngaasiye

nzira yake,

asina kururama

asiyane netwaanofunga,

adzokere kuna Tenzi

kuitira kuti

amunzwire tsitsi,

adzokere kuna Mwari wedu

nokuti anomuregerera chaizvo.

8Ndinodaro nokuti

mafungiro angu

haasiriwo mafungiro enyu,

kana iwo maitiro enyu

haasiriwo maitiro angu.”

Ndizvo zviri kutaura Tenzi,

9nokuti sezvakangoita matenga

kuti ari pamusoro

nyika iri pasi

ndizvo zvakangoitawo

maitiro angu

kuti ari pamusoro

pamaitiro enyu

uye ndangariro dzangu

dziri pamusoro

pendangariro dzenyu.

Muromo waTenzi hauwiri pasi

10“Nokuti sezvinongoita

mvura nechando

kunaya zvichibva mudenga

zvisingambodzokerako

zvisina kudiridza nyika

zvichiita kuti

imerese nokutumbutsa,

ichipa mbeu kuna anodyara

nechokudya kuna anodya,

11ndizvo zvakangoitawo

shoko rangu rinobva

mumuromo mangu,

haridzokeri kwandiri

risina charinacho

asi richatoita

zvandinenge ndati riite

richibudirira kuita

zvandinenge ndarituma kuita.

Kubuda kwavaIsiraeri muBhabhironi

12“Ndinodaro nokuti

kubuda kwamuchaita

muchabuda norufaro

mugonyatsoperekedzwa murugare.

Makomo nezvikomo,

pamberi penyu

zvichadandaura kuimba,

miti yose yesango

icharidza makwa.

13Painge pachimera minzwa

pachazenge pomereswa misaipurasi

painge pachimera rukato

pachazenge pomereswa migwavha.

Izvozvi izvi kuna Tenzi

zvichava sechiyeuchidzo,

zvichiva mucherechedzo

wokugara nokugara

usingazombobviswa.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help