Isaya 48 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Tenzi ndiye mambo weramangwana

1Teererai munzwe izvi

imi vemba yokwaJakobho

imi munodaidzwa nezita raIsiraeri

uye makabva muura hwaJudha,

imi munopika nezita raTenzi

uye munozviti vanamati vaMwari weIsiraeri

musingazviiti pachokwadi kana nomazvo,

2nokuti munozviti vagari veguta rinoera

uye kuti munovimba naMwari weIsiraeri

ane zita rokuti Tenzi wehondo nehondo.

3Zvinhu zvakare, ndakafanozvitaura

nomuromo wangu ndikazviparidza,

uye ndakazviita pakarepo

zvikabva zvaitika.

4Pamusana pokuti ndaizviziva kuti

iwe uri tsvuuramuromo

wakaomarara sesimbi

uye kuti sendarira hautepuki,

5ndakazviparidza kwamuri kubvira

kare zvisati zvaitika,

ndakazvitaura kwamuri

ndichiti mungadaro mukazoti

zvifananidzo zvedu zvekunamata

ndizvo zvakazviita,

kana kuti zvifananidzo zvedu zvokuveza

kana zvokuumba

ndozvakati zviitwe.

6Makazvinzwa zvino mazvionaka zvose izvi

saka imi hamusi kubvuma here?

Kubvira iye zvino

ndavakukutaurirai zvinhu zvitsva

zvinhu zvakavanzika zvamusati mamboziva.

7Zvandava kuita iye zvino,

kwete zvakaitika kare kare,

kusvika pari nhasi hamusati mambozvinzwa

nokuti mungadaro mukati,

“Ndaizviziva wani.”

8Hamuna kumbozvinzwa kana kumbozviziva,

nakare kose hazvina kumbopinda munzeve dzenyu,

nokuti ndaiziva kuti

imi hamutendeki,

uye kuti kubvira pauduku hwenyu

mainzi vapanduki.

9Pamusana pezita rangu

ndiri kumbodzora zvangu hasha dzangu.

Pamusana pembiri yangu

ndiri kudzidzora zvangu

kuti ndirege kukuparadzai.

10Chinzwai, ndakakunatsai,

asi kwete kuita sesirivha,

ndakakuedzai muvira ramatambudziko.

11Ndiri kuzviitira ini pachangu,

Wandiri kuitira wacho ndini.

Chandingashorerwe zvangu zita rangu chii?

Handingaregi mbiri yangu ichienda zvayo

kuna vamwe.

Sairasi mutungamiriri akasarudzwa naTenzi

12“Chimbondinzwa unzwe Jakobho,

iwe Isiraeri wandakadaidza.

Ndini Iye ari, ndini wokutanga

ndini wokupedzesera.

13Ini noruoko rwangu

ndini ndakaita ugaro hwenyika

ini norudyi rwangu

ndikaawarira matenga.

Pandinozvidaidza

zvinobva zvati pamwechete zhandanu kumira.

14“Kokorodzanai mose zvenyu munzwe,

ndiani pakati pavo

akaparidza zvinhu izvozvi?

Tenzi anomuda

achiita zvaanoda neBhabhironi,

nesimba roruoko rwake

acharwisa vaKaridhea.

15Ini iyeni ndini ndataura,

ndini ndakamudaidza

ndikauya naye

uye achabudirira mune zvose zvaanoita.

16Swederai kwandiri munzwe izvi,

kubvira pakutanga

handina kumbotaura, muchivande,

kubvira panguva yazvakaitika

ini ndakanga ndiripo.”

Iye zvino Tenzi Mwari

andituma neMweya wake.

Zvakarongerwa vaIsiraeri naTenzi

17Zvanzi naTenzi, Mununuri wenyu,

iye anoera weIsiraeri,

“Ndini Tenzi, Mwari wenyu

iye anokudzidzisai zvine chimuko,

anokutungamirirai mugwara

ramunofanira kufamba naro.

18Dai makangoteerera waro

mitemo yangu,

rugare rwenyu

rungadai rwakaita serwizi,

kururama kwenyu

kuchiitawo samasaisai egungwa,

19vana venyu

vangadai vakaita sejecha kuwanda,

zvizukuru zvenyu zvakaita setsanga dzaro

zita ravo risingamboitwa kuti rirove

kana zvako kutsakatika kwandiri.”

Rufaro rwokubva kuBhabhironi

20Budidzanai muBhabhironi

mutize munyika yeKaridhea

Paridzai vanhu zvinhu izvozvi,

muchiita mupururu wokupembera kufara

muchivazivisa izvozvi

zvisvitsei kwakaperera nyika chaiko

muchiti, “Tenzi anunura

muranda wake Jakobho!”

21Havana kumbonzwa nyota

paakavatungamirira nomurenje,

akavaitira kuti

mvura iyerere ichibuda mudombo,

akatsemura padombo

mvura ikapfachuka kubuda.

22Zvanzi naTenzi,

“Vakaipa havana rugare.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help