2 Vakorinde Zviri mutsamba yechipiri kuvaKorinde - Shona Common Language Bible(SCLB)

Zviri mutsamba yechipiri kuvaKorinde Tsamba yechipiri kuVakorinde: Pauro paakanyora tsamba iyi yechipiri kuvaKorinde, musangano iri makanga mamuka vamwe vanhu vaizviti ndivo vapositori chaivoivo. Vaishora Pauro zvikuru vachiti chisukukuviri chomunhu nomunyengedzi, munhu asina chimiro kwacho. Pakutaura, vachimuti idera chairo uye munhu asingakodzeri kunzi mupositori waJesu Kristu. Pauro akatuma Titosi, murume akanga asingazezi kutarisana nenyaya dzakaita sedzidzi, kundogadziridza zvinhu ikoko. Pakadzoka Titosi achimuudza nezvokutendeuka kwakanga kwaita vanhu vokuKorinde, ndipowo paakanyora tsamba iyi achivatenda mwoyo wavakaita iwoyo. Izvi zvinoratidza kuti Pauro aida chaizvo kuti pave nokuyanana pakati pavo pachavo uye pakati pavo naiye Pauro. Asi ndipo paakawana mukana wokutaura achizvidzivirira kuvanhu vaya vaimutsoropodza nokumushora zvakaipa.Muchikamu chokutanga anovatsanangurira basa rake somupositori nokutambura kose kwaakaita (1—7). Muchikamu chechipiri anotaura nezvemari yokubatsira vakristu vokuJerusaremu (8–9). Muchikamu chechitatu Pauro anozvidzivirira upositori hwake (1—13).Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yechipiri kuvaKorindeKusuma (1:1–11)I Zvinhu zvakanga zvichangobva mukuitika (1:12—7:16)Rufaro rwaPauro (7:2–16)II Zvirongwa zvokuunganidzwa kwezvipo (8:1—9:15)III Kuzvidzivirira kwaPauro (10:1—13:10)Mazwi okuzarira (13:11–13)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help