Muparidzi 2 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1Ndakafunga mumwoyo kuti regai ndimboonawo kuti kuzvifadza kwakaitawosei ndinyatsombosasana zvangu. Ndakaonawo izvozviwo zviri zvisinganzwisisiki.

2Ndakati kuseka kupenga chaiko uye kuzvifadza hakuna chimuko.

3Ndakati regai ndimbotsvaka zvokuzvifadza muviri wangu newaini asi mumwoyo mangu ndichitungamirirwa noungwaru kuti ndinyatsonzwisisa kuti chii chinonzi upenzi kuitira kuti ndione kuti ndezvipi zvakanakira vanhu kuti vaite pasi pedenga mazuva mashoma oupenyu hwavo.

4Ndakaita mabasa makuru. Ndakazvivakira dzimba, ndikazvirimira minda yemigirepisi.

5Ndakazviitira bindu nenhandare dzokutandarira ndikadyaramo miti inobereka michero yose zvayo.

6Ndakachera matsime okuti ndiwane mvura yokudiridza nayo munda wemiti yainge ichikura.

7Ndakatenga varanda vechirume nevechikadzi uye ndaive navaranda vakaberekerwa mumusha mangu. Ndaivawo nematanga emombe nezvipfuwo zvakawanda kupinda ani zvake akagara muJerusaremu ndisati ndavapo.

8Ndakazviunganidzirawo sirivha nendarama noupfumi hwamadzimambo namatunhu. Ndakawana vaimbi vechirume nevechikadzi navarongo vakawanda, zvinhu zvinofarirwa navarume.

9Saizvozvo ndakava mukurumukuru zvokutokunda vaiva muJerusaremu ndisati ndavapo uye ndakangoramba ndiino ungwaru hwangu.

10Chainge chadiwa nemeso angu

handina kuzvirambidza.

Chaidawo mwoyo wangu chokuzvifadza

handaizvirambidza.

Ndainzwa mwoyo kufara

nebasa rangu rose.

Ndiwo waivawo mubayiro wangu

webasa rangu rose.

11Ndazoti rangarirei basa rose ramaoko angu

nokushingaira kwandakaita pariri,

ndakaona zvose zvisinganzwisisiki

uye kuri kudzingirirana nemhepo

uye kuti hapana chaunowana munhu

pasi pedenga.

Ungwaru kana upenzi, zvose ndazvishaira pazvo

12Ndakatendeuka kuti nditarise nyaya

yezvoungwaru, noupenzi noutununu

nokuti munhu anotsiva mambo

chiiwo chaangaite kusiya

zvanga zvichiitwa namambo?

13Ndakazoona kuti ungwaru hunopfuura upenzi

sokupfuura kunoita chiedza rima.

14Mungwaru anogara akazarura maziso ake

asi benzi rinofamba murima

asiwo chandinoziva ndechokuti

firo yavo vose imwechete.

15Ndakazviti nechomumwoyo,

“Chinowira benzi

chinondiwanawo

zvino chandakafiririrawo zvangu

kuva mungwaru chii ipapa.”

Ndakazvifunga mumwoyo ndikati,

“Kunyange izvozvi hazvinzwisisiki.”

16Nokuti zvakangoita mungwaru

ndizvozvowo zvine benzi

zvokurangarirwa nokusingaperi hapana.

Samaziviro atinoita,

mumazuva ari kuuya,

vanenge vatokanganwika kare.

Pfiro yomungwaru ndiyo ndiyo yebenzi!

Kushingaira nebasa ndakushaira maturo ako

17Naizvozvo ndakavenga upenyu nokuti zvinoitwa pasi pedenga zvakandiipira. Chiripo ndechokuti zvose hazvinzwisisiki uye kunongova kudzingirira mhepo.

18Ndakavenga basa rangu rose randaishingairira kuita pasi pedenga sezvandinoona kuti ndinofanira kurisiira michero yaro anonditevedzera.

19Ndiani angazive kuti anenge ari mungwaru here kana kuti benzi? Asi iye achave muridzi wezvinhu zvose zvandakashanda ndichishandisa ungwaru hwangu pasi pedenga. Izvozviwo hazvinzwisisiki.

20Naizvozvo ndakapinduka ndorasa mwoyo pabasa rangu randakaita pasi pedenga

21nokuti dzimwe nguva munhu anenge ashanda noungwaru noruzivo uye noumhizha anofanira kusiya zvose zvokuzofadza zvazvo munhu asina kuzvishandira. Izvozvi hazvinzwisisiki uye zvakaipa kwazvo.

22Iye munhu anowanei nokushingaira nokutambura kwaanoita pasi pedenga?

23Chandinodariro ndechokuti mazuva ose omunhu anongova matambudziko chete nenhamo. Kunyange usiku pfungwa dzake hadzizorori. Izvozviwo hazvinzwisisiki.

24Hapana chakanaka kumunhu pane kudya zvake nokunwa nokuzvifadza nezvaanenge ashandira. Izvi ndakazvionawo kuti chipo chinobva muruoko rwaMwari;

25nokuti pasina iye ndiani angadye ndiani angapafare?

26Nokuti munhu, anofadza Mwari anomupa ungwaru neruzivo nerufaro. Asi mutadzi anomupa basa rokunhongerera achiunganidza zvinhu zvokuzopiwa zvazvo kumunhu anofadza Mwari. Izvozviwo zvinopazamisa musoro uye kunongova kudzingirira mhepo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help