Ezekieri 27 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Rwiyo rwokuchema nhamo yeguta reTire

1Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,

2“Zvino iwe mwanakomana womunhu, ungudza pamusoro peTire

3uti kuTire, guta rigere pokupinda napo mugungwa, mushambadzi wezvoupfumi kumarudzi mazhinji enyika dzokumahombekombe kwegungwa iri zvanzi naTenzi Mwari:

“Iwe Tire wakazviti,

ndiri tsvarakadenga parunako.

4Miganhu yako iri pakatikati pegungwa

vavaki vako vakaita kuti

uve tsvarakadenga parunako.

5Mapuranga ako ose

vakaaita nomusaipurasi wokuSiniri.

Vakatora musidhari weRebhanoni

kuti vakuitire musimboti wengarava.

6Mioku yokuBhashani

ndoyavakakugadzirira nayo zvokukwasvisa

mutumbi wako wengarava vakauita nemipaini

yokumahombekombe kweSaipurasi

wakanamirirwa nomunyanga wenzou mukati.

7Rineni yakanyatsorukirirwa yokuIjipiti

ndoraiva jira rako rokufambisa ngarava

richiita somureza wako.

Jira roruvara rwedenga

noruvara rwohute rokumahombekombe eErisha

ndoraiva denga rayo.

8Vagari vokuSidhoni nokuArivhadhi

ndovaiva vanhu vako vokukwasva

nyanzvi dzavarume

vaiva mauri ndivo

vaifambisa ngarava.

9Vakuru vakuru vokuguta reGebhari

nenyanzvi dzavarume dzeko

dzaiva mauri ndichadzinama mumupendero yako.

Ngarava dzose dzegungwa navashandi vemo

vaiva mauri vachiita

mhindu dzokutengeserana.

10“Pezhia neRudhi nePuti vaivawo muhondo yako savarwi vehondo vachiturika mauri nhoo nenguwani dzesimbi vachikupa mukurumbira.

11Varume vokuArivhadhi nehondo yako yavarwi vaiva patsvingo dzako kukutenderera uye varume vokuGamadhi vaiva munharirire dzako. Vaiturikawo nhoo dzavo patsvingo dzako kukutenderera vachinyatsoita kuti uve norunako chairwo.

12“Tarishishi yaifambidzana newe pamusana poupfumi hwako hwakanyanya hwemhando nemhando hunoti sirivha nesimbi noutare hwerata nomutobvu zvavaitsinhana newe nezvako.

13Javhani neTubhari neMesheki dzaitengeseranawo newe. Vaitsinhana newe uchivapa midziyo yendarira ivo vachipa varanda.

14Bhetitogarima yaitengeserana newe ichikupa mabhiza, namabhiza ehondo namanyurusi iwe uchivapa zvinhu zvawainge wagadzira.

15Vanhu veRodhesi vaitengeserana newe. Nyika zhinji dzokumahombekombe dzaitenga kwauri dzichikubhadhara nyanga denzou nomuti weebhoni.

16Edhomu yaitengeserana newe pamusana pezvinhu zvako zvakawanda. Vaiita mutengano webveni newe, iwe uchivapa zvinhu zvakanaka zvawainge wagadzira ivowo vachikupa matombo anokosha eemeradhi nomushonga woruvara rwohute, namachira akarukirirwa nerineni yakanakisisa nekorari namatombo anokosha eageti.

17Judha nenyika yeIsiraeri vaitengeserana newe vachiita mutengano webveni newe wokukupa koroni namaorivhi namaonde okutanga nouchi namafuta eorivhi netwokuzora tunonhuwirira twebharimu.

18Dhamasikusi yaitengeserana newe pamusana pezvinhu zvako zvakawanda nokuda kwoupfumi hwako hwakawanda hworudzi norudzi newaini yokuHeribhoni newuru chena.

19Dhani neJavhani kubva kuUzari zvichienda mberi vaikuwanisa simbi netunonhuwira twekasia nekaramusi iwe uchivapa zvinhu zvako.

20Dhedhani yaitengeserana newe machira ezvityaro akutasvisa.

21Arabhia namadzishe ose eKedhari vaitengeserana newe hwayana, nehondohwe nembudzi.

22Vashambadzi vokuShebha nokuRaama vaitengeseranawo newe vachiita mutengano webveni newe vachikupa tunonhuwirira twakanakisisa twose twose, iwe uchivapa zvawainge wagadzira, namatombo ose anokosha nendarama.

23Harani neKane neEdheni, neAshuru neKirimadhi vaitengeserana newe.

24Ivava vaitengeserana newe hanzu dzakanakisisa, nehanzu dzoruvara rwedenga, namakapeti ana mavara-mavara akarukwa nemikosi netambo dzakakoswa zvakanaka. Izvozvi ndizvo zvavaitengeserana newe.

25Ngarava dzokuTashishi dzaikutakurira zvinhu zvako zvokutengesa.

“Saka wakanga wakati shutu kuzara

wakaremerwa kwazvo kutakura

mukatikati mawo makungwa.

26Vakwasvi vako vakaenda newe

kumakungwa ana mafungu

Mhepo yokumabvazuva yakakuparadza

mukatikati memakungwa.

27Upfumi hwako nezvinhu zvawakagadzira

nezvinhu zvoko zvokutengesa,

vanhu vako vanoshanda mungarava

navanhu vako vanofambisa ngarava

namakapenda ako navatengesi vako vezvinhu

navarwi vako vose vari mauri

navamwe vose vari mauri

vanonyura mukati memakungwa

pazuva rako rokuparara.

28“Nyika inodedera

pakunzwa mhere inobva

kuvafambisi vengarava.

29Ipapo vakwasvi vose vachatiza ngarava dzavo.

Vashandi vomungarava

navafambisi vose vengarava

vachandomira pamahombekombe egungwa.

30Vacharidza mhere

vachikuchema zvinosiririsa

vachizvidira ivhu mumusoro

vachiumburuka mudota.

31“Vanozviveura muparavara vachiitira iwe,

vanopfeka masaga

vachikuchema nemwoyo wakasuruvara

vachiungudza zvinorwadza mwoyo.

32Mukuridza kwavo mhere kudaro

vachaungudza pamusoro pako

vachikuchema vachiti:

‘Ndiani chaizvo akamboitwa hweTire

akaparadzwa seTire

pakati paro gungwa kudaro?

33Zvinhu zvawainge wagadzira

pazvaitutunurwa zvichibva kumakungwa

waigutsa marudzi mazhinji,

noupfumi hwako hwakanyanya

uye neshavo huru youpfumi

wakapfumisa madzimambo apanyika.

34Zvino waparadzwa iwe namakungwa

muhwenje yemvura yegungwa;

shavo yako youpfumi

navashandi vako vose vomungarava

vanyura pamwechete newe.

35Vagari vose venyika

dzomumahombekombe megungwa

vadumbirwa nezvako

uye madzimambo avo

vabayikana nokutya,

uso hwavo hwadonha.

36Vemhindu dzokutengeserana

mukati mevemarudzi umu

vava kukuridzira tsamwa

magumo ako ashata

hauchazovipo narini wose.’ ”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help