Zefaniya Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Bible(SCLB)
Zviri mubhuku rino Vazhinji vanofunga kuti muporofita Zefaniya ndewenguva yamambo Josiya (640—609 K.A.A.) Muporofita anotaura mazwi akaomarara kwazvo ezvezuva raTenzi. Judha namamwe marudzi achasakadzwa, achawirwa nerima nokuparadzwa nokuda kwehasha dzaMwari pamusana pechitadzo. Anotaura mazwi akaomarara kuvanhu vanosanganisa zvechitendero nezvidzidziso zvechihedheni. Zvakadaro zvazvo, Zefaniya anotarisa mberi achiona nguva yomufaro, Mwari paanenge achenesa marudzi uye Isiraeri yadzorerwa upfumi hwayo. Bhuku iri rine zvikamu zvikuru zviviri: Zuva guru rokutonga kwaTenzi (1:1—3:8) noruponeso pazuva raTenzi (3:9–20)Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raZefaniyaZuva rehashaKutongwa kwapasi pose (1:1–3)Kutongwa kwenyika yokwaJudha (1:4—2:3)Kutongwa kwamarudzi akapoteredza Judha (2:4–15)Kutongwa kweJerusaremu (3:1–7)Zuva rokufaraChitsidzo chokutendeuka (3:8–13)Chitsidzo chokudzorerwa kwezvinhu pakare (3:14–20)