Muparidzi 12 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Madimikira okuchema kunoita munhu

1Yeuka musiki wako uchiri muduku,

mazuva akaipa asati asvika,

mazuva auchazoti, “Handiafariri asati asvika;”

2zuva nechiedza nomwedzi nenyenyedzi

zvisati zvasviba

makore asati adzoka mushure mokunaya kwomvura;

3pazuva rinenge vachengeti vepamba vongweda kutya

majaya akasimba okombama,

vokukuya vorega nokuti vanenge vava vashoma

vachiti kana vatarisa napahwindo maziso anoona rima;

4makonhi ari munzira izvozvo ogara akazarirwa

ruzha rwezvigayo rwavakuderera,

munhu ava kumutswa nokuchema kweshiri dzokutanga

panguva yakunenge kuimba kwaderera,

5kukwira mukwidza kwavakutyisa

kufamba chaiko kwavakutyisawo

iwo musoro, muarimondi zvawo kuchena maruva

zvino wava mhashu zvayo kuzvova napasi,

havi dzose dzapera

iwe wavakuenda kumusha wako wokusingaperi

vokuchema vakafa vavakuunganidzana mumigwagwa.

6Tambo yesirivha isati yadambuka

ndiro yendarama isati yapwanyika

chirongo chisati chaputsika patsime.

7Ivhu rodzokera kunyika sezvarakanga riri

mweya wodzokera kuna Mwari akamboupa.

8Kusanzwisisika kwezvisinganzwisisiki

ndozviri kutaura muparidzi

zvose hazvinzwisisiki.

Zvose muchidimbu

9Pamusoro pokuva mungwaru muparidzi akadzidzisa vanhu ruzivo iye achiera nokudzidza achigadziridza zvakanakisa zvirevo.

10Muparidzi akatsvaka nzira yokutaura nayo zvakanakisa uye kuti anyorere vanhu zvazviri mazwi echokwadi.

11Mashoko avangwaru akaita sechokubaisa uye sehoko dzanyatsorovererwa nomufudzi zvichiitwa nomufudzi mumwechete.

12Chimwezve mwanangu, chenjerera izvi zvokuti kunyora mabhuku hakuperi uye kudzidza kunonetsa muviri.

13Kuchipedzisa muchidimbu, zvose zvanzwika. Itya Mwari uchengete mitemo yake ndiro basa romunhu rose.

14Nokuti Mwari achatonga zviito zvose, zvose, zvakavandika zvingave zvakanaka kana zvakaipa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help