Dhanieri 2 - Shona Common Language Bible(SCLB)

HOPE DZAKAROTA MAMBO NEBHUKADHINEZAMubvunzo waNebhukadhineza kuvangwaru veBhabhironi

1Mugore rechipiri rokutonga kwaNebhukadhineza, iye Nebhukadhineza akarota hope akashushikana mumwoyo zvikamushayisa hope.

2Mambo akabva ati vamapipi navamaminimini navanhu vamakona navaKaridhea vadaidzwe kuzodudzira mambo hope dzake. Saizvozvowo vakauya vakamira pana mambo.

3Mambo akavati, “Ndarota hope, zvino ndiri kutambura mumwoyo mangu kuti ndizive hope dzacho.”

4VaKaridhea vakabva vati kuna mambo muchiArameiki, “Mambo! Ngazvirambe zvakadaro muchitonga! Tirondedzerei henyu hope dzacho isu varanda venyu, tichadudzira zvadzinoreva.”

5Mambo akapindura vaKaridhea kuti, “Zvandinoreva ndezvechokwadi. Kana imi mukarega kundizivisa hope idzodzo, nokudzidudzira kwacho muchabvamburwa kuitwa zvidimbu zvidimbu. Misha yenyu ichisara yava matongo.

6Asi mukandirondedzera hope dzacho nezvadzinoreva, ndichakupai zvipo nemibayiro noukuru hwakakura kwazvo. Naizvozvo chinditaurirai hope idzodzo nedudziro yadzo.”

7Vakapindurazve mambo kuti, “Mambo rondedzerai henyu hope dzacho isu varanda venyu, tikududzirei zvadzinoreva.”

8Mambo ndokuti, “Ndazonyatsoziva zvino kuti mava kungovemberedza nguva nokuti maona kuti zvandareva ndezvechokwadi

9zvokuti kana imi mukarega kundizivisa hope idzodzo, chenyu chasara chirango, chimwechete chete. Heya matobvumirana kuzonditaurira zvokunyepa nenyaya dzakaora kusvikira mamiriro ezvinhu asanduka. Naizvozvo ndirondedzerei hope idzodzo ndibva ndazivawo kuti kana kudzidudzira munogona.”

10VaKaridhea vakapindura mambo vachiti, “Hakuna kana nomunhu pasi pano angagone kuita zviri kudiwa namambo izvi nokuti hakunawo changamire mambo chaiye ane simba ati ambobvunza zvakadai izvi kuna ani zvake wamapipi kana wamaminimini kunyange kumuKaridhea upi zvake.

11Izvi zvakumbirwa namambo, zvakaoma uye hakuna angagone kuzviisa pachena kuna mambo, asi kutoti vamwari chete vasingaiti musha mukati mavanhu.”

12Pamusana paizvozvi mambo akashatirwa akaviruka kwazvo nehasha akapa chirevo chokuti: Vachenjeri vose veBhabhironi ngavaurayiwe.

13Nokudaro chirevo ichochi chokuti: vachenjeri vanofanira kuti vaurayiwe, chakafamba. Vakatsvagawo Dhanieri neshamwari dzake kuti vavauraye.

Mwari anoratidza Dhanieri zvakavanzika

14Ipapo Dhanieri akapa mhinduro yakanyatsofungwa ine uchenjeri chaihwo kuna Arioku mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo uyewo munhu akanga auya kuzouraya vachenjeri veBhabhironi.

15Dhanieri akati kuna Arioku mukuru mukuru wokwamambo, “Zvaita sei kuti chirevo chamambo chibva chaoma kudai?” Arioku ndokuzivisa Dhanieri nyaya yacho.

16Dhanieri akapinda akandoteterera kuna mambo kuti amutaurire nguva yaaizopa mambo dudziro yacho.

17Dhanieri akabva aenda kumba kwake akazivisawo nyaya iyoyo shamwari dzake dziya vanaHananiya naMishaeri naAzariya.

18Akavataurira kuti vakumbire Mwari Wedenga agovanzwirawo tsitsi nezvechinhu chakavanzika ichi, kuitira kuti Dhanieri neshamwari dzake varege kuparadzwa pamwechete navamwe vangwaru vose veBhabhironi.

19Ndipo pakazoziviswa Dhanieri usiku chakavanzika chacho muchiratidzo, ndokubva Dhanieri arumbidza Mwari Wedenga.

Munamato waDhanieri wokutenda

20Dhanieri akati:

“Zita raMwari ngarirumbidzwe

narini narini wose

ndiye mwene woungwaru nesimba.

21“Anosandura nguva nemwaka;

anobvisa madzimambo

uye anogadzawo madzimambo;

anopa uchenjeri kuna vangwaru

noruzivo kuvanhu vanonzwisisa.

22“Anoisa pachena zvinhu zvakadzama,

zvinhu zvakavanzika.

Anozviziva zviri murima

iye chiedza ndipo pamusha.

23“Ndinokutendai ndichikurumbidzai

imi Mwari wamadzibaba angu

nokuti makandipa ungwaru nesimba

mukandizivisawo zvatakakukumbirai

nokuti matizivisa imi nyaya iyi yamambo.”

Nebhukadhineza anobvuma chishamiso chokududzirwa kwehope dzake

24Naizvozvo Dhanieri akaenda kuna Arioku uya akanga apiwa namambo basa rokuparadza vangwaru veBhabhironi. Akaenda akamutaurira kuti, “Chiregai zvenyu kuparadza vangwaru veBhabhironi. Ndisvitseiwo kuna mambo nditsanangurire mambo.”

25Arioku akabva akurumidzawo kusvitsa Dhanieri pana mambo akasuma kuna mambo achiti, “Ndazowana munhu mukati menhapwa dzakatapwa kwaJudha anogona kuzivisa mambo dudziro iya.”

26Mambo akabvunza Dhanieri uya akanga ava kunzi Bheriteshaza kuti, “Unogona here kundizivisa hope dzandakarota nedudziro yadzo?”

27Dhanieri akadaira kuna mambo achiti, “Hakuna vangwaru kana vanhu vamapipi kana vamaminimini kunyange nyanzvi dzokufembera nenyenyedzi, vangagone kuonesa kuna mambo chakavanzika ichi chakakumbirwa namambo.

28“Asi kudenga uku kuna Mwari!

Ndiye anoisa pachena zvakavanzika,

akatozozivisawo imi mambo Nebhukadhineza

zvichaveko mune ramangwana.

Hope dzamakarota ndedzidzi idzi

nezviratidzo zvakauya mumusoro menyu

murere zvenyu pamubhedha ndezvizvi.

29Kwakauya kwamuri imi mambo

murere zvenyu pamubhedha

pfungwa dzezvichauya mune ramangwana,

iye anodudzira zvakavanzika

achikuzivisai zvinhu zvichazovapo.

30Asi zvakavanzika izvozvi hazvina

kuoneswa kwandiri pamusana pokuti

ini ndini ndazova muchenjeri chaiye

kupfuura vapenyu vose.

Asi zvangoitirwa kuti mambo aziviswe

dudziro yacho uye kuti mugonzwisisa

pfungwa dzakasvika mumusoro menyu.

31“Mambo, imi makatarisa mukaona,

hero zimufananidzo guru.

Zimufananidzo iroro rakanga rakasimba chaizvo

richipenya zvakanyanyisa kwazvo

rimire mberi kwenyu richityisa kutarisa.

32Musoro wezimufananidzo irori wakanga uri

wendarama chaiyo yakanakisisa, dundundu

raro namaoko ari esirivha,

dumbu racho nezvidya zvakanga zviri zvendarira,

makumbo aro ari esimbi.

33Tsoka dzaro dzakanga dzakati

pamwe ndepesimbi pamwe pomunyakwe.

34Makatarisa kudaro,

pakapipfurwa dombo risina kudimurwa namaoko omunhu,

rikatema zimufananidzo racho patsoka dzaro idzodzo

dzaiti apa ndepesimbi apa ndepomunyakwe rikadzipwanyanisa.

35Ipapo simbi iya nomunyakwe wacho

nendarira yacho nesirivha

iya nendarama yacho zvakapwanyaniswa

zvose pamwechete,

zvikabva zvaita sehundi iri paburiro

pachirimo zvikapupurutswa nemhepo zvikatsakatika.

Asi dombo riya rakanga ratema mufananidzo uya

rakava zigomo guru rikatozara pasi pose.

36“Idzodzi ndidzo hope dzacho idzi.

Zvino tochikutaurirai, mambo, zvadzinoreva.

37Imimi mambo, mambo wamadzimambo,

iyemi nyakupiwa naMwari Wedenga dzinyika dzoumambo hwenyu

kudai nesimba noukuru nembiri,

38mumaoko menyu ndimo makaiswa,

vanhu nomhuka dzesango neshiri dzedenga,

kwose kwose ikoko kwazvigere,

akakuitai kuti muve nohutongi hwazvo zvose izvozvo.

Musoro wendarama uya, ndimi wacho.

39Mushure menyu, kuchamuka humwe umambo

hwakati dererei pane hwenyu,

tevere umambo hwechitatu,

umambo hwendarira huchazotonga pasi pose zvapo.

40Kuchazovawo noumambo hwechina huchange

hwakasimba sesimbi inopwanya nokutiwo simbi

inopwanya ichinyatsoparadza zvinhu zvose.

Uye sesimbi inopwanya, umambo ihwohwo

huchipwanya huchiparadza zvose izvozvi.

41Sokuonawo kwamakaita tsoka dzacho nezvigunwe

zvakati apa pesimbi apa pomunyakwe,

umambo ihwohwo huchange huri umambo hune mazvakemazvake.

Asi pamwe nepamwe muumambo ihwohwo,

pachange pakasungwa noutare

sokusimbawo kwesimbi sokuona kwamakaita simbi

yakasanganiswa nomunyakwe womuumbi.

42Uye zvigunwe sezvazvakanga zvakati

pamwe ndepesimbi pamwe ndepomunyakwe

saizvozvo umambo hwacho huchange

hwakati apa pakasungwa noutare apa zinyekenyeke.

43Sokuona kwamakaita simbi yakasanganiswa nomunyakwe,

saizvozvo vachaita mawirirano okuroorerana.

Asi kunyatsobatana chaikoiko havambobatani,

sezvinongoita simbi nomunyakwe zvisingakwanisi kunyatsobatana.

44Zvino mumazuva amadzimambo iwayo

Mwari Wedenga achagadza umambo husingazofa hwakaparadzwa

kunyange kuti masimba ahwo

ambokuurirwa kune rumwe rudzi rwavanhu.

Huchapwanyanisa nyika dzose dzoumambo ihwohwo

huchidzisvitsa kumugumo.

Asi ihwo, huchazogara narini narini wose.

45Sokuona chaiko kwamakaita kuti

dombo rakapipfurwa richibva pagomo

risina kudimurwa noruoko rwomunhu,

uye kuti rakandopwanyanisa simbi nendarira

nomunyakwe nesirivha nendarama zviya,

Mwari mukurukuru kwazvo ndiye azivisemi

mambo zvinhu zvichazovako mune ramangwana.

Hope idzodzi, ihope chaidzo,

uye dudziro yacho ndeyechokwadi.”

Mubayiro wakapiwa Dhanieri naNebhukadhineza

46Mambo Nebhukadhineza akabva ati nouso pasi kota kota achiremekedza Dhanieri, akati vanhu vapire mupiro norusenzi kuna iye Dhanieri.

47Mambo akati kuna Dhanieri:

“Zvechokwadi,

Mwari wako ndiMwari wavamwari

ndiye Changamire wamadzimambo.

Mududziri wezvakavanzika

nokuti iwe wagona kududzira zvakavanzika izvi.”

48Mambo akabva apa kuna Dhanieri ukuru ukuru hwapamusorosoro nezvipo zvikuru zvakawanda akamuitawo mutongi wenyika yose yeBhabhironi nomukuru mukuru wavatungamiriri wavangwaru vose zvavo veBhabhironi.

49Dhanieri akasvitsawo chichemo kuna mambo, mambo akabva apa Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego basa rokuona nezvenyaya dzenyika yeBhabhironi. Asi Dhanieri akaramba achingova wepadare ramambo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help