Tsumo 1 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Chinangwa chebhuku rino

1Tsumo dzaSoromoni

mwanakomana waDhavhidhi

mambo weIsiraeri

2dzokuti vanhu vazive ungwaru

nezvidzidzo

kuti vanzwisise mashoko ezvakadzama,

3dzinoitawo kuti munhu adzidze

uchenjeri, ururami, noruenzaniso

nokuva pachokwadi.

4Kuitirawo kuti vanhuwo zvavo

vapiwe uchenjeri

nevechidiki kufunga.

5Mungwaru achadzinzwawo

agopamhidzira ruzivo

anonzwisisa agowanawo mano.

6Kuri kuitira kuti

munhu anzwisise tsumo

namadimikira

uye mazwi avangwaru nezvirahwe zvavo.

7Kutya Tenzi

ndiko kutanga kworuzivo

mapenzi anoshora ungwaru

nechidzidziso.

I: MAZWI OKUSUMA UNGWARUVechidiki sianai neshamwari dzakaipa

8Mwanangu, teerera zvaunodzidziswa

nababa vako.

Usarambe zvaunorairwa

naamai vako.

9Zvichava tsungare

yokushongedza musoro wako nayo

nechuma chokushongedza huro yako nacho.

10Mwanangu, vatadzi vakakunyengetedza

kuita chinhu, usabvume.

11Kana vakati,

“Uya tiende tindovandira vanhu

tivauraye

tindovhurumukira kuvarwisa

vasina mhaka uye zvisina tsarukano

12sezvinoita nzvimbo yavafi

tivamedze vari vapenyu

vakangodaro sezvavakaita

sezvinoita vanodzika muguva,

13tichawana zvose zvakakosha

tigozadza dzimba dzedu

nezvinhu zvokupamba,

14isa mugove wako kwatiri

tive nechikwama chimwechete.”

15Mwanangu, rega kufamba munzira navo

usarege tsoka yako ichienda

munzira dzavo

16nokuti tsoka dzavo

dzinomhanyira kuuipi

uye vanokurumidza kudeura munhu ropa

17nokuti hazvina zvazvinobatsira

kuteya urimbo shiri dzichiona.

18Vanhu ivava kutozvivandira ikoko

kuti ivo vafe

vanovandira kuparara

kwoupenyu hwavo pachavo.

19Iwoyu ndiwo mugumo

wavose vanowana zvinhu

nenzira isina kunaka

zvinoparadza upenyu

hwomuridzi wazvo.

Ungwaru hunoyambira vasina hanya nahwo

20Ungwaru hunodanidzira mumugwagwa

hunoshevedzera pamisika.

21Hunodaidzira zvikuru pamusoro petsvingo

hunotaura mashoko ahwo

huri kumusuo wedare reguta.

22Nhaimi vasinganzwisisi

muchasvika rinhi musinganzwisisi?

Imi vashori kusvikira rinhiko

muchifarira kunyomba

uye muri mapenzi asingadi ruzivo?

23Teererai zvandinokutsiurai

ini ndichazvikwengura ipfungwa dzangu kwamuri

ndikuzivisei mashoko angu

24ndinodaro nokuti ndakadaidzira

asi makaramba kudavira.

Ndakatambanudza ruoko

asi hapana akambotirimuka.

25Hauna kumboita hanya nemazano angu

makaramba kuti ndikutsiurei.

26Kana neniwo ndichakusekai

mupfumvu yenyu

ndikusveveredzei kana mabatwa nokutya,

27kana kutya kwakuvhungai sedutu

pfumvu yakuwirai sechamupupuri

kuora mwoyo nokurwadziwa kwamonerana nemi.

28Vachandidaidza asi ini handipinduri

vachanditsvagisisa asi havandiwani.

29Nokuti vakavenga ruzivo

uye havana kusarudza

kutya Tenzi.

30Havana kuita hanya nemazano angu

vakashora kuvatsiura kwangu.

31Ndizvozvo vachadya michero yemaitiro avo

vagoguta netwavanonanga,

32nokuti vasinganzwisisi vanouraiwa

nokutsauka kwavo

kushaya hanya kwamapenzi kunoauraya.

33Asi anonditeerera anogarika

achava pamutambaratede

wokusambotya chinhu chakaipa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help