Isaya 33 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Munamato wokukumbira rubatsiro

1Zvichakuwana iwe muparadzi,

iwe usina kumboparadzwa

iwe woujarijari

usina ani akambokuitirawo ujarijari!

Paunongomira chete kuparadza

unobva waparadzwa,

paunongogumisa kuita ujarijari,

unobva waitirwa ujarijari.

2Tenzi,

tinzwireiwo nyasha

tinotarisira kwamuri

Ivai simba redu

mangwanani oga oga,

mutiponesewo

panguva yokutambudzika.

3Pamusana pemaungira ebongozozo,

ndudzi dzavanhu dzichiti ware kutiza

pamunosumuka imi,

marudzi avanhu anoita chimwanda-mwanda.

4Vachaunganidza zvokupamba

sokuunganidzwa kunoitwa hwiza

vanhu vachichirikira pazviri

sokumomotera kunoita mhashu.

5Tenzi anokudzwa

nokuti anogara kumusoro

achazadza Zioni noruenzaniso noururami.

6Zvinodiwa zvacho

achaita kuti zvivepo zvinoti:

ruponeso rwakawanda

noungwaru noruzivo,

kutya Tenzi ndiko kunenge kuri

upfumi hwake.

7Chionai, magamba

anochema kunze uku,

vamiririri vorugare

vachihwihwidza zvinosiririsa kwazvo.

8Migwagwa mikuru yangove

migwagwa zvayo isina anoshandisa.

Vanhu venzira hapasisina.

Zvibvumirano zviri kutyorwa

vokupa umboo vachizvidzwa,

munhu haachaonekwa somunhu.

9Nyika iri kugurukuta ichiondongoka

Rebhanoni yapazamiswa musoro nazvo, yasvava;

Sharoni yava kunge gwenga zvaro,

uye Bhashani neKarimero

dzasasamuka mashizha adzo.

Mwari anoyambira vavengi vake

10Zvanzi naTenzi,

“Zvino ndava kusimuka,

zvino ndava kunyatsoti kwaku kusimuka

pari zvino ndiremekedzwe.

11Zvirongwa zvenyu marara chete

zvamunoburamo magufu,

kufemeruka kwenyu

ndomoto uchakuroromesai.

12Ndudzi dzavanhu dzichaita

sedzapiswa kuita rota

seminzwa yatemerwa pasi

ikapiswa mumoto.”

13Chinzwai munzwe zvandakaita

imi muri kure uko

nemi muri padyo

muzive simba rangu.

14Vatadzi muZioni umu vava kutya.

Vasingatyi Mwari

hedzo mbwende kudedera dzichiti:

“Ndiani chaizvo pakati pedu

angagone kugara mumoto unororomesa?

Ndiani chaizvo pakati pedu

angakwanise kugara mukutsva kusingaperi?”

15Munhu anofamba noururami

achitaura zvakarurama,

anosema upfumi hunowanikwa

nokuonesa vanhu ndondo,

anozunza maoko ake

kuti arege kubata pfumbamuromo,

anodzivira nzeve kuti arege kunzwa

zvokudeura ropa,

anozarira maziso ake

kuti arege kutarisa zvinhu zvakaipa.

16Iyeyo achagara makakwirira

nyare yake yokuzvidzivirira

ichange iri tsvingo dzamabwe

achiwaniswa chokudya chake,

mvura yake yokunwa isingamboshayika.

Mazuva akanaka achauya

17Maziso ako achaona kuyevedza kwamambo,

achaona nyika yakatandira nokoko.

18Mumwoyo mako

ucharangarira nezvaityisa uchitoti

“Aripiko wokuverenga uya,

aripiko uya aiera kurema kwomutero?

Aripiko wokuverenga nharire uya?”

19Vanhu vaye vokutsvinya hauchazovaonizve

vane mutauro wakavandika usinganzwisisike

vanokakama vanorurimi rusinganzwisisike.

20Tarisa uoneka guta reZioni

guta remazuva edu makuru akatemwa

unobva waonawo Jerusaremu

musha worunyararo,

musha wepfirapo dzamatendhe

ane hoko dzisingambofa dzakadzurwa,

asina kana tambo zvayo inodimuka.

21Imomo Tenzi acharatidza simba rake

pamusana pedu,

inenge iri nzvimbo ine hova nenzizi

dzakapamhama,

kusina ngarava dzokurwisa nadzo

dzine mikwasvo dzinofamba nomo

kana ngarava huru,

dzinopfuura nomo;

22nokuti Tenzi ndiye mutongi wedu,

Tenzi ndiye anotipa mutemo,

Tenzi ndiye mambo wedu

ndiye achatinunura.

23Tambo dzoko dzadembera

hadzichakwanisi kusimbisa bango rengarava

bango rengarava panzvimbo paro

kana kuti tendhe

rokufambisa ngarava nemhepo

rirambe rakatambanuka.

Ipapo vanhu vachagovana zvavo

zvinhu zvizhinji zvokupamba nezvavanowana muhondo

kunyange vakaremara

vachatotorawo zvinowanikwa muhondo.

24Hapana mugari wemo

achati, “Ndiri kurwara.”

Vanhu vanogara imomo

vacharegererwa uipi hwavo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help