Nziyo 135 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Rumbo rwokurumbidza

1Areruya

Rumbidzai zita raTENZI.

2Imi varanda vaTENZI rumbidzai

mumipanda yemba yaMwari wedu.

3Rumbidzai TENZI nokuti akanaka

imbirai zita rake nokuti ane mwoyo wakanaka.

4TENZI akazvisarudzira Jakobho,

Isiraeri achimuita wake

5nokuti ndinoziva kuti TENZI mukuru

uye kuti TENZI wedu mukuru

kupinda vamwari vose.

6Zvose zvinodiwa naTENZI anogona kuzviita

kudenga kana panyika

mugungwa kana makadzika.

7Ndiye anosimudza makore kwakaperera nyika,

anopenyesa mheni yemvura;

anoburitsa mhepo mumatura ake.

8Ndiye akauraya matangwe eIjipiti,

avanhu neemhuka.

9Ndiye akatuma zviratidzo nezvishamiso

mukati mako iwe Ijipiti

achirwisa Farao navaranda vake vose.

10Akaparadza marudzi mazhinji;

akauraya madzimambo ane simba anoti:

11Sihoni mambo wavaAmori

naOgu mambo weBhashani

noumambo humwe nohumwe hwose hweKenani.

12Akapa nyika yavo senhaka,

senhaka kuvaIsiraeri, vanhu vake.

13Zita renyu TENZI

rinogara nokusingaperi,

mukurumbira wenyu kusvika kuzvizvarwa nezvizvarwa.

14TENZI acharwira vanhu vake

uye achaitira ngoni varanda vake.

15Zvifananidzo zvevechirudzi,

isirivha nendarama

zvakaitwa namaoko avanhu,

16zvine miromo asi hazvitauri,

zvina maziso asi hazvioni

17zvine nzeve asi hazvinzwi,

uye hazvifemi nomuromo wazvo.

18Vanozviumba vachafanana nazvo,

vachafananawo nazvo vanovimba nazvo.

19Imi imba yokwaIsiraeri rumbidzai TENZI

imi imba yokwaAroni rumbidzai TENZI

20imi imba yokwaRevhi rumbidzai TENZI

imi munotya TENZI rumbidzai TENZI.

21TENZI ngaarumbidzwe muZioni

iye anogara muJerusaremu

Areruya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help