Isaya 6 - Shona Common Language Bible(SCLB)

B: BHUKU RAIMANUERI (MWARI ANESU)Kudaidzwa kwaIsaya naMwari kuti ave muporofita wake

1Mugore rakafa mambo Uziya, ndakaona Tenzi vakagara pachigaro choumambo, chiri pamusoro chakakwirira. Jira regemenzi rake raizvezvera pasi raizadza Temberi.

2Pamusoro pavo pakanga pakamira vatumwa vanonzi maserafimu, serafi roga roga raiva namapapiro matanhatu. Rakanga rakazvifukidza uso namapapiro maviri, namamwe maviri rakazvifukidza makumbo richibhururuka namamwe maviri.

3Aidaidzirana achiti:

“Munoera, Munoera, Munoera!

Imi Tenzi wehondo nehondo

pasi pose pazere nembiri yenyu.”

4Ugaro hwemba iyi hwokumusuo hwakandengendeka pamusana pezwi rewainge adaidza. Imba iyoi yakazara noutsi.

5Ndakati, “Maiwe-e, maiwe-e zvangu inga ndaparara nokuti ndiri munhu ane miromo yakan'ora uye ndigere pakati pavanhu vane miromo yakan'ora nokuti ini nameso angu ndaona Mambo, Tenzi wehondo nehondo!”

6Rimwe serafi rakabhururukira kwandiri rakabata mumaoko nembato vhunze romoto rarakatora paatari.

7Rakasvikondigunzva muromo naro rikati,

“Tarisa uone wagunzwa muromo nevhunze iri

hauchisina mhosva,

chitadzo chako charegererwa.”

8“Ndakanzwa izwi raTenzi richiti,

‘Ndiani wandingatume,

ndiani angatiendere?’

Ini ndakati,

‘Ndiri pano.

Nditumei ini.’ ”

9Ivo ndokuti,

“Enda utaurire vanhu ava kuti,

‘Zvokuteereresa, regaika zvenyu kuteerera,

handiti mungadaro mukazonzwisisa;

kana zvokunyatsotarisisa, regaika zvenyu kutarisa

handiti mungadaro mukazoona here.’

10“Zvino iwe chitosindimadza zvako

vanhu ivava mwoyo

utyorere zvimiti munzeve dzavo

uvapfige maziso

nokuti vangadaro vakaona nameso avo

vakanzwa nenzeve dzavo

uye vangadaro vakanzwisisa

mumwoyo mavo

vakazopindukira kwandiri ndikavaponesa.

11“Ini ndikati,

‘Kusvikira riniko nhai Tenzi?’

Ivo vakati,

‘Kusvikira maguta aparara

musisina anogaramo,

dzimba dzisisina vanhu,

nyikawo yanyatsoparara,

12Tenzi abvisa vanhu

avaendesa kurekure,

munyika mave namatunhu

mazhinji asina vanhu.

13Kunyange zvako kukasara

gumi pazana

naivo vacharoromeswa

somuti womuterebhini kana kuti muoku

une chigutsa chinosara chimire

kana warigwa.’ ”

Chigutsa ichocho ndiyo mbeu inoera.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help