Joshuwa 16 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Nyika yevedzinza rokwaEfuraimu neyechimwe chikamu chevokwaManase vokumadokero

1Nyika yakagoverwa vokwaJosefi, yaibvira muna Jorodhani pedyo neJeriko kumabvazuva kwematsime emvura yeJeriko zvichienda kugwenga rinobvira kuJeriko richienda kunyika yamakomo kusvikira kuBhetieri.

2Yaizobvira kuBhetieri yonanga nokuguta reRuzi yoenda kuAtaroti, nyika yevokwaAki.

3Yozodzika yakananga kumadokero kumuganhu nevaJafureti kusvikira kumuganhu weBhetihoroni yezasi, yoenda kuGezeru yondosvika kugungwa reMedhiterenieni.

4Saka vedzinza rokwaManase nerokwaEfuraimu, vokwaJosefi vakagoverwa nhaka yavo.

Nyika yokwaEfuraimu

5Nyika yevedzinza rokwaEfuraimu nemhuri dzavo yakanga yakamira yakadai: Muganhu wenhaka yavo iyi kumabvazuva waiva Atarotiadha kusvikira kuBhetihoroni yokumusoro,

6wobva wananga kugungwa reMedhiterenieni wakaisa Mikimetati kuchamhembe, wopota nokuTaanatishiro wakananga kumabvazuva wopfuurapo uchingoenda kumabvazuva wosvika kuJanoa.

7Waizobva kuJanoa wodzika kuAtaroti nokuNaara wobva wasvika kuJeriko uchindosvika muna Jorodhani.

8Kubvirawo kuTapua, muganhu uyu waienda kumadokero kundosvika kukakova keKana uchindosvika kugungwa reMedhiterenieni. Iyoyi ndiyo nhaka yevedzinza rokwaEfuraimu nemhuri dzavo.

9Zvaisanganisirawo maguta akanga apiwa vedzinza rokwaEfuraimu mukati menhaka yakagoverwa vedzinza raManase, maguta iwayo ose nemisha yawo.

10VokwaEfuraimu ava havana zvavo kudzinga vaKanani vaigara muGezeru. Saka vaKanani vagere pakati pevokwaEfuraimu kusvikira pari nhasi, asi vava kungogara vachivaitira basa zvechibharo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help