Zvakaratidzwa 14 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Hwayana navanhu vayo

1Ndakati tarisei ndikaona

pagomo reZioni pakamira Hwayana iina vanhu

zviuru zana namakumi mana ane zvina

vakanga vakanyorwa pahuma dzavo

zita rayo nezita raBaba wayo.

2Ndakanzwa izwi richibva kudenga

samapopopo emvura zhinji

uye sokudhiriridza kwemheni kukuru.

Izwi randakanzwa rainge

vanhu vari kuridza madimbwa avo

3vachiimba rumbo rutsva

pamberi pechigaro choumambo

pamberiwo pezvisikwa zvipenyu zvina zviya

napamberi pavakuru vakuru vaya.

Hapana aikwanisa kudzidza rumbo irworwo

kunze kwavaya zviuru zana namakumi mana ane zvina

vakanunurwa panyika.

4Ava ndivo vasina kuzvisvibisa navakadzi

vakachengeta utsvene hwavo

ivava ndivo vanotevera Hwayana kose kwainoenda,

ivava ndivo vakanunurwa muvanhu

somuchero wokutanga kuna Mwari nokuHwayana.

5Mumuromo mavo hamuna kumbobuda nhema

nokuti havana chinoshoreka pavari.

Vatumwa vatatu

6Ndakazoona mumwe mutumwa

achibhururuka mudenga

aine Shoko Rakanaka rokugara nokugara

rokuparidza vanhu vanogara pasi pano

munyika dzose, namarudzi ose nendimi dzose navanhu vose.

7Akadaidzira nezwi guru achiti,

“Ityai Mwari mumupe mbiri

nokuti nguva yake yokutonga yasvika.

Munamatei iye akasika denga napasi

negungwa nezvisipiti zvemvura.”

8Mumwewo mutumwa wechipiri akatevera achiti,

“Guta guru reBhabhironi raparara, raparara.

Raparara iro rainwisa nyika dzose

waini yehavi dzaro dzakaipa.”

9Mumwezve mutumwa wechitatu akavatevera achiti nezwi guru,

“Kana munhu akanamata chikara

nechifananidzo chacho

achiiswa mucherechedzo pahuma yake

kana paruoko rwake,

10achanwawo waini yehasha dzaMwari

inodirwa isina kudirwa mvura

mumukombe wehasha dzake.

Acharwadziswa nomoto nesarufa

pamberi pavatumwa vatsvene napamberi peHwayana.

11Utsi hokurwadziwa kwavo

hucharamba huchingotogoka kudenga nokusingaperi

uye havana zororo siku nesikati,

ivava vanonamata chikara nomufananidzo wacho

navavo vanogamuchira mucherechedzo nezita racho.”

12Ndikoka kutirira kunodiwa pavatsvene uku!

Vanochengeta mitemo yaMwari nechitendero chaJesu.

13Ndakanzwa izwi richibva kudenga richiti,

“Nyora izvi zvokuti:

‘Vakakomborerwa vanofira muna Tenzi,

kubvira zvino zvichienda mberi.’

“Vakakomborerwa zvechokwadi,

ndozvinotaurwa naMweya.

Vachazorora pamabasa avo,

nokuti zviito zvavo zvinovatevera.”

Kukohwiwa kwapasi

14Ndakatarisazve ndokuona gore jena,

ndakaona mumwe akanga agere pagore

akaita soMwanakomana womunhu

aine chiremba chendarama mumusoro

nejeko rakapinza muruoko.

15Mumwe mutumwa akabuda muTemberi

achidanidzira nezwi guru

kuna uya akanga agere pagore achiti,

“Shandisa jeko rako ukohwe

nokuti nguva yokukohwa yasvika,

kukohwa pasi kwasvika.”

16Uya akanga agere pagore

akavheesa jeko rake panyika

nyika ikabva yakohwewa.

17Mumwezve mutumwa akabuda

muTemberi kudenga.

Naiyewo akanga aine jeko rinopinza.

18Mumwe mutumwa akabuda achibva kuatari;

aiva nesimba rokutonga zvomoto

akadanidzira nezwi guru kuna uya

akanga ane jeko rinopinza achiti,

“Shandisa jeko rako

uunganidze zvisumbu zvamagirepisi apanyika

nokuti magirepisi ayo aibva.”

19Naizvozvo mutumwa akavheesa jeko rake panyika

akaunganidza magirepisi apanyika,

akaakanda muguvi guru rokusvinira waini

rehasha dzaMwari.

20Muguvi makakanywa kunze kweguta

ropa rakapopoma richibva muguvi

zvokusvika pamatomhu ebhiza kukwira

namazana matatu amakiromita kureba.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help