Nziyo 35 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Rwiyo rwaDhavhidhi.Kuipa kwakaita munhu mutadzi

1TENZI, navoi vanoita hondo neni,

rwisai vanondirwisa.

2Torai nhoo ndiki nehuru

musimuke kuzondibatsira.

3Zvuvai pfumo renyu negano renyu

murwise vanondironda.

Itii kwandiri,

“Ndini ruponeso rwako.”

4Ngavanyadziswe vafumurwe

vanoda kundiuraya.

Ngavadzorwe vadzungaidzwe

vanoronga kundiitira zvakaipa.

5Ngavaite sehundi inopupurutswa nemhepo

vachidzinganiswa nomutumwa waTENZI.

6Nzira yavo ngaiite rima itsvedze

vachirondwa nomutumwa waTENZI.

7Nokuti vakandivanzira mambure avo

pasina chikonzero

vakandicherera gomba pasina chikonzero.

8Dai waro kuparadzwa kwangovawira vasingazivi.

Dai waro vangobatwa namambure avakateya;

ngavawiremo vaparare.

9Ipapo ndichapembera kufara

muna TENZI

ndichifarira zvikuru kununura kwake.

10Mapfupa angu achati,

“TENZI ndiani akaita semi?

Imi munonunura asina simba

kune ane simba kupinda iye

uye murombo naasina chaanacho kumupambi.”

11Zvapupu zvina utsinye zvinomuka

vanondibvunza mhosva dzandisingazivi.

12Vanondidzorera nezvakaipa pane zvakanaka

zvandakavaitira.

Mwoyo wangu unoshungurudzika.

13Asi pavairwara, ini ndakapfeka saga,

ndakazvirwadzisa nokuzvinyima.

Ndairamba ndichingonamata muhana mangu

14sokunge ndiri kuchema shamwari kana hama.

Ndaimhemhaira sokunge ndinochema amai vangu

ndakatsikitsira musoro pasi ndichiungudza.

15Asi pandakagumhinha vakaunganidzana vachifara;

vakaungana kuzondirwisa

mhetamakumbo dzandakanga ndisingazivi

dzakaramba dzichingotaura zvakaipa nezvangu.

16Vakandisveeredza sechirema

vachindizhinyurira mazino.

17Kusvikira riniko nhai TENZI

makangotarisa zvenyu kudai?

Ndinunureiwo mukundirwisa kwavo

mundinunurewo upenyu kushumba.

18Ndichakutendai musangano guru;

ndichakurumbidzai mugungano guru.

19Ngavarege kufara pamusoro pangu

vanondivenga pasina mhosva,

varege kuchonyana maziso vaya vanondivenga

pasina chikonzero.

20Havataure zvinorugare;

vakazvinyararira zvavo munyika

vanovarongera zvinhu zvounyengedzi.

21Vanondishamisira muromo kwazvo vachiti,

“Toko waro, Toko waro. Tazvionera nameso.”

22Imi mazviona TENZI, musanyarare

TENZI musave kure neni.

23Zvigwinhei mumuke mundimiririre;

mundirwire, imi Mwari wangu

naTENZI wangu.

24Ndipembedzei TENZI Mwari wangu;

maererano noururami hwenyu

varege kundidadira.

25Ngavarege kuzviti,

“Hauchionaka, zvataida tazviona.”

Ngaverege kuti, “Takamumedza.”

26Ngavanyadziswe vanyatsodumbirwa

vanofarira nhamo dzangu.

Ngavaputirwe nenyadzi nokuzvidzwa

vanozviti ivo ndivo, ini vachindiisa pasi.

27Regai vanoda kuti ndipembedzwe

vadaidzire norufaro

varambe vachiti, “TENZI mukuru

anofarira kubudirira kwomuranda wake.”

28Ipapo rurimi rwangu ruchakurukura

zvokururama kwenyu

uye nezvembiri yenyu zuva rose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help