Jeremiya 50 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Kukurirwa kweBhabhironi

1Shoko iri rakataurwa naTenzi nokumuporofita Jeremiya richinangana neBhabhironi uye richinangana nenyika yavaKaridhea rikati:

2“Paridzai mukati memarudzi avanhu

muzivise vanhu nhau

dzikai mureza mupadze,

regai kuzviviga mumwoyo muti,

Bhabhironi yatorwa,

mwari wayo Bhero wafumurwa

mwari wayo Merodhaki akangaidzwa.

Zvifananidzo zvayo zvokunamata zvanyadziswa

zvifananidzo zvayo zvokunamata zvakangaidzwa!

3Ndinodaro nokuti

kuchamhembe, kuri kuuya

rudzi rwavanhu kuzorwisa

ruchasiya nyika yayo yava renje risina achagaramo

vanhu nemhuka zvichatiza.

Kudzokera kumusha kweIsiraeri

4“Zvanzi naTenzi mumazuva iwayo uye panguva iyoyo vanhu vokwaIsiraeri navanhu vokwaJudha vachaungana pamwechete vachichema pavanenge vachiuya kudaro, vachatsvaka Tenzi, Mwari wavo.

5Vachabvunza nzira yokuguta reZioni vobva vananga kwairi vachiti, ‘Uyai tindozvibatanidza naTenzi nechitenderano chokugara nokugara chisingazokanganikwi.’

6“Vanhu vangu vava hwai dzakarasika, vafudzi vadzo vakadzitungamirira mumutome zvamo vakadzisairira mumakomo. Dzava kumbeya namakomo nomuzvikomo dzakanganwa, uye dzisisazivi danga radzo.

7Chose zvacho chinodziwana chinodzidya uye vavengi vadzo vanotozviti, ‘Hatina mhosva nokuti ivo ndivo vakatotadzira Tenzi, iye ugaro hwavo chaihwo, Tenzi chitarisiro chamadzibaba avo.’

8“Tizai mukati meBhabhironi mubve munyika yevaKaridhea muite sezvikotora zvatungamira danga

9nokuti hezvi ndiri kunyandura boka ramarudzi makuru avanhu okunyika yokuchamhembe andiri kuunza kuzorwisa Bhabhironi. Ivo vacharonganirana kuzoirwisa kubvira ipapo ichatorwa. Miseve yavo yakaita senyanzvi yokurwa hondo isingadzoki isina chayaita

10Nyika yeKaridhea ichapambwa vapambi vayo vose vachaguta, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”

Shoko raTenzi rinonangana nokuparara kweBhabhironi

11“Kufara, kufara zvako,

kupembera, kupembera hako,

iyewe nyakupamba nhaka yangu

kunyange uchikara hako

uswa setsiri kudaro

uchihwihwidza somikono yamabhiza,

12amai vako vachafumurwa zvokunyatsofumurwa zviye,

ivo vakakubereka vachanyadziswa.

Rega uone, vachava vokupedzesera pamarudzi avanhu,

vachava renje rakaoma regwenga zvaro.

13“Pamusana pehasha dzaTenzi

haisi kuzombogarwa navanhu

asi ichava renje zvaro.

Wose anozopfuura nepaBhabhironi achakatyamadzwa nazvo

maronda ayo ose.

14“Ronganai murwise Bhabhironi

muite zvokuikomberana.

Imi mose vakungi vouta

ipfurei murega kusara kana nomuseve

nokuti yakatadzira Tenzi.

15Iitirei ruzha makaikomberana

yakanda pasi mapfumo.

Zvainovimba nazvo muhondo zvaputsika

masvingo ayo apazwa,

nokuti uku ndiko kutsividza kwaTenzi

mutsividzei muitewo kwaari zvaakaitawo.

16“Paradzai varimi vembeu muBhabhironi

navacheki vanobata jeko panguva yokukohwa.

Pamusana pebakatwa romudzvinyiriri,

munhu wose achatizira kuvanhu vokwake,

munhu wose achitizira kunyika yokwake.

17“Isiraeri ihwai iri kuvhimwa iri kudzinganiswa neshumba. Pakutanga akambozhanyiwa neAsiria. Zvino Nebhukadhireza mambo weBhabhironi ari kun'un'una mapfupa ake.

18Naizvozvo zvanzi naTenzi wehondo nehondo Mwari weIsiraeri, ndiri kuunzira mambo weBhabhironi nenyika yake chirango sokuranga kwandakaita mambo weAsiria.

19Ndichadzorera Isiraeri kumafuro ayo. Achafura zvake paKarimeri nokuBhashani. Zvaanoda zvose achazviwana pazvikomo zvokwaEfuremu uyewo muGiriadhi.

20Pamazuva iwayo, nepanguva iyoyo, ndizvo zviri kutaura Tenzi, vanhu vachaedza kutsvaka uipi muIsiraeri asi munenge musisina, vachaedza kutsvaka zvitadzo munyika yokwaJudha asi hapana zvavanowana; nokuti ndicharegerera zvitadzo zvechitsama chavanhu vandinenge ndasiya.”

Zvakatemerwa Bhabhironi naTenzi

21“Endai mundorwisa nyika yeMirataimu

mundorwisawo vagari vokuPekodhi.

Urayai mutevere muchinyatsoparadza,

ndizvo zviri kutaura Tenzi kuti

itai zvose zvandati muite.

22“Mheremhere yehondo yava munyika

uye kuparadza kukuru!

23Zvazoitikaiwe!

Iyo nyundo yapasi pose

yagwishurwa ikapwanyika!

Iyo Bhabhironi chaiyo

yava chinhu chinokatyamadza

pakati pamarudzi avanhu!

24“Ndakakuteya ukasungwa nomusungo iwoyo,

iwe Bhabhironi asi iwe hauna kuzviziva.

Wakaonekwa wakanzi koche mumusungo

nokuti wakamirisana naTenzi.

25“Tenzi azarura maanochengetera

zvombo zvokurwisa nazvo muhondo

akaburitsa zvombo zvacho zvehasha dzake

nokuti Tenzi Mwari

wehondo nehondo ane chokuita munyika yavaKaridhea.

26“Uyai kuzoirwisa muchibva kwose kwose

svikozarurai matura ayo

muiunganidze kuita mirwi nemirwi sembesanwa

mugoitsakatisa pasina charo chinosara.

27“Handira dzayo dzose, urayai; ngadzinobayiwa.

Padzo padziperera

nokuti zuva radzo rasvika

ndonguva yokurangwa kwadzo.

Kuparirwa nechitadzo chokuzvitutumadza

28“Havo vanotiza munyika yeBhabhironi kundosvitsa shoko kuguta reZioni rokutsividza kwaTenzi, Mwari wedu, achitsividzira Temberi yake.

29“Kokai varwi vouta vapfure guta reBhabhironi, vose zvavo vanokunga uta. Dzikai musasa yematendhe makarikomberana parege kuwana anopunyuka. Ngariwane zvinopindiranawo nezviito zvaro muriitire zvakakodzerana nokuitawo kwaro nokuti rakazvikudza richizvidza Tenzi iye Mutsvene weIsiraeri.

30Naizvozvo majaya aro achati rakata munhandare dzaro uye navarwi vehondo vose vachaparadzwa zuva iroro, ndizvo zviri kutaura Tenzi.

31“Chiona, ndanangana newe

iyewe nyakuzvikudza iwe,

ndizvo zviri kureva Tenzi,

Tenzi wehondo nehondo

nokuti zuva rako rasvika,

nguva yokuti ndikurange.

32“Nyakuzvikudza achagumburwa aputsika

pasina wokumusimudza.

Ndichatungidzawo moto mumaguta ake

ucharoromesa zvomunharaunda make.”

Tenzi ndiye mununuri wevanhu vake

33Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Vanhu veIsiraeri vari kudzvinyirirwa pamwechete novokwaJudha. Vose vakavatapa vakabva vavabatisisa chaizvo vakaramba kuvarega kuti vaende zvavo.

34Mununuri wavo anesimba, zita rake ndiTenzi wehondo nehondo. Achavamiririra panyaya yavo kuitira kuti awanise nyika zororo, asi achiishaisa zororo vagari veBhabhironi.”

35“VaKaridhea ngavauraiwe nebakatwa

ndizvo zviri kutaura Tenzi.

Vagari veBhabhironi ngavauraiwe nebakatwa.

Machindawo avo ngavauraiwe nebakatwa uye vangwaru vavo.

36Naro bakatwa pavashoperi

kuti vave mazungairwa.

Naro bakatwa pavarwi vavo vehondo

kuti vaparadzwe.

37Naro bakatwa pamabhiza eBhabhironi

nepangoro dzayo dzehondo,

uye napahondo dzose dzavarwi vechirudzi

vari mukati mayo,

kuti vave vakadzi zvavo.

Ngaipindirwe nebakatwa muupfumi hwayo

kuti hupambwe.

38Ngavashaye mvura inonaya, mvura yavo ipwe

nokuti nyika yavo inyika yezvifananidzo

vanopengereka nezvifananidzo zvokunamata.

39“Naizvozvo mhuka dzomusango mapere zvichagara

zvazvo muBhabhironi, nemhou dzichagara zvadzo mairi.

Haichazombogarwa navanhu nokusingaperi

kana kuzove navanhu vanozomboita musha

mairi kwezvizvarwa nezvizvarwa.

40Sezvakangoita Mwari

kuparadza guta reSodhomu nereGomora namaguta

akanga akavakidzana nawo, ndizvo zviri kutaura Tenzi, saizvozvo

hapanawo achazogaramo kana munhu zvake

achaita musha imomo.

Muvengi wokuchamhembe neshumba yomuna Jorodhani

41“Tarira uone vanhu vari kuuya vachibva kuchamhembe

rudzi rune simba namadzimambo akawanda

hero bvakapfaka riri kubva

kwakaperera nyika chaiko.

42“Vakapakata uta nepfumo,

vane utsinye, uye havana tsitsi.

Kuriridza kwomutsindo wavo

kunenge kuunga kwegungwa, vanotasva pamabhiza

vakarongedzera somurwi ari muhondo

vachizorwisa iwe mwanasikana Bhabhironi!

43“Mambo weBhabhironi akasvitswa shoko rezvavo,

maoko ake achibva ati ragwada

zvikamushungurudza zvikamurwadza

somukadzi arwadzwa nemimba.

44“Chirega uone zvako, ndichaita seshumba yakwira ichibva mujokochwa resango romuna Jorodhani ichivinga danga rehwai rakasimba, vachayerekana ndovaitisa bararamhanya kutizamo ndigosarudza wandinenge ndada kuti aitonge nokuti ndiani akaita seni? Ndianiwo zvake angandigadze dare? Ndoupi mufudzi angamirisane neni?

45Naizvozvo, chinzwai mazano akarongerwa Bhabhironi kuti arikaurise nezvakaipa zvaakarongera nyika yavaKaridhea. Twana twezvipfuo zvavo twuchandundurutswa pamwechete namatanga ezvifuwo zvavowo. Matanga avo achatokanhamiswa nomugumo wavo.

46Kuriridza kwokukurirwa kweBhabhironi kuchadederesa nyika, mhere yayo ichanzwika mukati memarudzi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help